Kwayedza
Hwiza
Rimwe zita rehwiza inonzi mhashu. Hwiza dziri pakasiyana-siyana. Kune hwiza diki nehombe. Kune dzinofamba dzakawanda dzichidya zvirimwa kana kuparadza miti nesora repadzinosvika. Idzodzi dzinodya zvirimwa vanhu vanodzibata vachidzidyawo.
Mamwe mazita ehwiza:
– Sakuseka
– Mutsunyarunya/mutsunyatsunya
– Jarachara/bambomukota
– Dhumbudyamafuta
– Nzvati