— Ziva —HAMBA / Kamba

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Hamba kana kuti kamba chipuka chine makwati chiri muchikwata chinonzi pachiRungu “reptiles” uye chinofanana nembiya yakatsindikirwa kana kuti yakakwidibirwa. Hamba haimhanye sezvinoita tupuka twuzhinji. Saka kana pakaita njodzi, inopona nekupinda mumakwati ayo kusvikira njodzi yapfuura. Hamba haina mazino asi inoruma nekudambura chikafu nemuromo wayo wakaomarara. Hamba dzinodya michero nemashizha. Hamba hadzigone kukwira mumuti, uye pane chirevo chinoshandiswa nevanhu kutaura zvinhu zvinoshamisa chinoti: Charova sei chando chakwidza hamba mumuti.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey