Zondo: Mutakunanzva chaiwo

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Zondo: Mutakunanzva chaiwo

Kwayedza

NYAMA yemazondo inofarirwa nevanhu vemazera ose uye kana ikabikwa zvakanaka, inhapi-tapi zvekuti kunyangwe vasina mazino vanongodyawo.

Svondo rino tinodzidziswa mabikirwo ehusavi hwezondo neimwe nyanzvi pakukaringa, VaTaurai Veremu (42), vemuHarare.

KUGADZIRA:

Chekutanga tenga mazondo kuchitoro chakanyoreswa zviri pamutemo nekuti zvekudya zvemumikoto zvinoparadzira zvirwere.

Bvura mazondo pamoto kusvika mvere dzose dzapera. Mushure mezvo, ageze uchiita zvekuakwesha kusvika achena. Kuakwesha kunobvisa matsito kuitira kuti asanhuwe hutsi.

ZVOZODINI?

Chekesa mazondo nemuchina kuaita zvidumbu zvakaringana. Mushure meizvi, chiabika kusvikira anyatsoibva wochizoisa matomatisi, cheese nemunyu wakaringana kuitira kuti zvinge zvichinzwirana.

Mazondo anoonekwa kuti aibva kana muto wacho wanyatsokorerera.

ANODYIWA NEI?

Kana zvadaro, chipakura vanhu vodya vachitapirirwa nesadza, mupunga, bhinzi kana kungodya ari oga. Vamwe vanofarira kunwa muto vachiti unobatsira kusimbisa mabhonzo, musana nezvimwe. Nakirwa nezondo!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey