Uncategorized

Zvava kutonyanya, zvoitira tsvina mumapoto

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

CHEMBERE yekuMsasa, muHarare yekuvhurisira zvainoti zvidhoma docket kumapurisa inoti haisisina rugare zvichitevera kubuda kwakaitwa nyaya iyi muKwayedza sezvo zvinhu izvi zvamuka chibhebhenenga zvipfumbura mweya unenge mbanje uye kuita sezvinonwa doro.
Mbuya Pelagia Munemo vanoti zvidhoma izvi zvava kuuya zuva nezuva zvichiti,  “wakatifumura” apo zvinosiya zvaita mirwi yetsvina pamba pavo, imwe iri mumapoto nemandiro.

Kwayedza payakashanyira mbuya ava svondo rino yakatambirwa negutu-gutu rekunhuwa kwetsvina yainzi ndeyezvidhoma izvi.

Panguva iyo vatori venhau vaitaura naambuya aya, pakangoerekana pakandwa dombo pavaive iro risina kuzivikanwa kwarakabva.

“Iye zvino zvave kuita ma****** mazuva ose. Zvinomuka kuseni-seni zvondidaidza zita rangu zvichiti ‘Pelagia, Pelagia’ zvoti ‘takuda ku****’.

“Zvisati zvaita tsvina iyi zvinoverenga kusvika kugumi zvotanga nekuburitsa mweya unonhuwa zvikuru. Zvinozoita manyoka etsvina anenge ari matete-tete eruvara rwakasiyana-siyana,” chembere iyi yakadaro.

Mbuya Munemo vanoti imwe tsvina iyi inoitirwa mumapoto, mumadhiramu, pachivanze nemudzimba.
“Izvi zvinoti zviri kuzviitira kuti ndisvibe moyo ndibve pamba pangu zvichiti ‘tinoda kuti tiise magonyeti edu awandisa.” Ndinozongoona ndakupidzirwa manyoka.

“Svondo rino ndakatuma mwana kunotenga matomatisi zvikabva zvamutema akawira pasi ndikazomhanya apo akange ochema achimonywa ruwoko. Musi uno zvakare ndakatemwa nesadza remunya kuseni asi handina kuona kuti rakabva nekupi.”

Mbuya Munemo vanoti zvakare zvinhu izvi zvinoita sezvinoputa mbanje pamwe nekunwa doro nekuda kwemunhuwi wavanofema.

“Zvinoti ngatitambe mumhanzi muka tiende kubhendi, pfeka timbonofara,” vakadaro Mbuya Munemo.
Muvakidzani waMbuya Munemo, VaAnderson Madungwe, vanoti vanonzwa mazwi anenge achiita ruzha asi pasina chavanoona pamba paMbuya Munemo.

“Ndinongonzwa mazwi anotondimhoresa kuti ‘hesi mukoma, uri sei?” vakadaro.
Mbuya Munemo vanoti vanosvikirwa neshave renjuzu, uye maminimini ari kuitika pamba pavo akatanga mushure mekufa kwemurume wavo, Gynoise Chiridzo, muna Zvita wegore rapera. Vanotaura vanoti zvichida nyakufa uyu ainge akaromba kana kuti iyo chembere iyi ine twayowo. Asi ambuya ava vanofungira vamwe vevavakavakidzana navo.

Dambudziko rechembere iyi richiri kuitika zvisine kuti pane maporofita anoti akanobvisa zvinhu izvi pamba pavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey