Uncategorized

Zvidzidzo zvakamiswa nemamhepo

06 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Zvidzidzo zvakamiswa nemamhepo

Kwayedza

Freedom Mupanedemo
KUDZIDZA kwakambomiswa pachikoro cheMbungo Secondary School kuGokwe South nemusi weChina zvichitevera kubatwa kunonzi kwakaitwa vana vose vanofundapo nemamhepo.
Dambudziko iri rinonzi rakange rakakura zvikuru zvakaita kuti vamwe vana vatange kuita zvemhirizhonga vachirova varairidzi, izvo zvakazoita kuti vakuru vechikoro ichi vachaye nhare kune vagari vemubhuku riri pedyo kuti vauye kuzovabatsira kudzikamisa mamiriro ezvinhu.
Vaivepo pachiitiko ichi vanoti vakuru vepachikoro ichi vakaona zvakakodzera kuti vambomisa kudzidza kwevana apo vamwe vabereki vakatsvaga n’anga dzekuti dzichenure chikoro ichi.
“Zvatanga nenguva dza10 mangwanani nhasi (China) apo vana vange vari panguva yekuzorora (break), vatanga kuridza mhere uye vamwe vachizviwisira pasi,” vanodaro VaLimon Macheza, vanogara munzvimbo iyi.
Vanoti varairidzi vakazama kubatsira vana ava asi vakakundwa simba sezvo dambudziko iri rakange rapambira pachikoro chose apo vadzidzi vaiita mhirizhonga.
“Mamhepo akabata vadzidzi zvakanyanya zvakaita kuti varairidzi vashevedze vabereki vane dzimba dziri pedyo nechikoro avo vakamhanya kuzobatsira padambudziko iri,” vanodaro.
 Mumwe aivepo pabongozozo iri, Muzvare Loreen Moyo, vanoti vamwe vabereki vane vana vanodzidza pachikoro ichi vakashevedza n’anga kuti dziuye kuzodzikamisa zvinhu zvakange zvaita manyama amire nerongo.
“Chikoro chakamisa kudzidza apo vabereki vakatora vana vavo ndokuenda navo kudzimba uye vamwe vakanobvunzira kun’anga,” vanodaro.
Vakafanobata chigaro chemukuru wezvedzidzo kudunhu reMidlands, VaJameson Machimbira, vanotsinhira nyaya iyi.
Vanoti District Schools Inspector weGokwe South akashanyira chikoro ichi achida kuona mamiriro ezvinhu pamwe nekubatsira vadzidzi.
 VaMachimbira vanoti pari zvino mamiriro ezvinhu adzikama pachikoro apa.
 “Tinovimba kuti zvidzidzo zvichatanga zvakanaka mangwana (Chishanu) sezvo zvinhu zvadzikama pari zvino,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey