Zvidzidzo zviri murungano

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
MUMWE anokwanisa kuti akadzidza zvinhu zvakafanana nezvinotevera:

Ndakadzidza kuti vachena vaive nerusarura – vanhu vatema vaibatwa zvakasiyana nevamwe verudzi rwechichena. Vatema vainzi vagare munzvimbo dzaiwanikwa tsvina yakanyanyisa uye dzine vanhu vakawanda sezvaiitika muMbare neHighfields. Vanhu vatema vaifoiriswa chikoro nevachena vachinzi vaigara munzvimbo dzisina materevhizheni nemawairesi.

Ndakadzidza kuti mukuru wezvematongerwo enyika, VaChitepo vakauraiwa nebhomba rainge raiswa mumotokari yavo vachibva kunze kwenyika.

Vanhu vatema vaisabvumirwa kufamba vasina zvitupa — tinoona vakomana vanosangana naKuda muchitima mufourth class vachiburutswa nemapurisa nemasoja vakasungwa nekuti vainge vasina zvitupa.

Vachena vaisunga vanhu vatema zvisina tsarukano — tinonzwa kuti munhu mutema aiti akasungwa aibva angoendwa naye pasina aiziva kuti aendeswa kupi uye nyaya yacho yaisapinda mudare redzimhosva kuti itongwe.

Chidzidzo ndechekuti panguva yehupambepfumi vanhu vaisabvumirwa kuungana kana kutanga misangano yezvematongerwo enyika – vanaKuda nevamwe vaidzidza payunivhesiti vanoenda kunoratidzira kunzvimbo yeHighfields zvinove zvinoita kuti vazotanga kumhanyiswa nemasoja nemapurisa vachisairirwa imbwa. Vabereki vaKomuredhi Kadiki vainge vatanga zvematongerwo enyika ndokuzobva muZimbabwe varambidzwa izvi nevachena vachienda kuZambia.

Mapurisa aigarira vanhu munzira achivatorera chikafu — tinoona panoenda Kuda kuChipinge achibva kuchikoro vamwe vaaive navo mubhazi vanotorerwa chikafu chavainge vatenga nemapurisa zvichinzi vaida kunopa magamba ehondo.

Ndakadzidza kuti masoja airova vanhu vasina mhosva nekuvapisira dzimba nematura – tinonzwa kuti masoja ane nguva yaaipinda mupovho achitanga kungorova vanhu. Tinoona masoja achipisa dzimba dzepamba pana Kuda kuChipinge pamwe chete nematura aiiswa zvekudya.

Ndakadzidza kuti Zanu yaifarirwa nekuti yaishandisa donzvo regutsaruzhinji — tinoona kuti vanhu vaidzidzira hondo yechimurenga vaidzidziswawo zvematongerwo enyika zvaiita kuti vagarisane nepovho zvakanaka pamwe chete nekuidzidzisa gwara remusangano uyu. Izvi zvinoratidza kuti musangano weZanu wakanga wakategwa panheyo yekubatanidza vanhu (socialism).

Magamba aienda kunopotera kunze kwenyika kwavaidzidziswa zvehondo — vanaKuda vanoenda kunze kwenyika kuMozambique uko vanonodzidziswa kurwa hondo vari mukamba 2.

Kuda nevamwe vake vanozoendawo kuTanzania kwavanonogara kwemwedzi mina vachiwedzera ruzivo rwavo rwehondo.

Muhondo yeChimurenga vanhu vaisimudzirwa zvichienderana nekugona kwavo — tinoona kuti Kuda anosarudzwa kuti ange ari mumwe wevanhu vaizoenda kuChina kunowedzera zivo yezvehondo nekuti akanga akunda vese vaibva muchikwata chake.

Kuwanda kweruzivo rwaKuda kunoita kuti azoitwa Detachment Commander wemagamba aienda kuZimbabwe kunorwira muBuhera.

Vatengesi vaiurayiwa — tinonzwa kuti Samason akanga aurayiwa muhondo nemagandanga nekuda kwekutengesa hondo yeChimurenga kwaainge aita kuvachena.

Hondo yevatema yaihwanda mumakomo – tinoona kuti panobva Kuda kuMozambique achienda kuBuhera anosangana nemagamba munzvimbo dzakawanda kusanganisira muBocha.

Magamba ese aive munzvimbo idzi ainge achishandisa mabhesi emumakomo. VanaKuda pavanosvika kuBuhera vanokemba pabhesi raive nemakomo mana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey