Zvikwata zvorwira kupinda muPSL

22 Sep, 2022 - 11:09 0 Views
Zvikwata zvorwira kupinda muPSL Arthur Tutani

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino muDivision One kuSouthern Region apo Hwange FC ichasangana neAjax Hotspurs kuchiti ZPC Hwange ichitatsuranawo neIndlovu Iyanyathela.

KuSouthern Region, Hwange FC neZPC Hwange ndizvo zvikwata zviri kurwira kupinda muPremier Soccer League (PSL) gore rinotevera.

Zvikwata zviviri izvi zvasarirwa nemitambo miviri kuti paonekwe kuti ndechipi chikwata chichatevera Simba Bhora iyo yakabva kuNorthern Region, Green Fuel FC (Eastern Region) neSheasham FC (Central Region) izvo zvakatobudirira kupinda muPSL mwaka unotevera.

Mumitambo yesvondo rino, Hwange FC ikahwina mutambo wayo ukuwo nekune rimwe divi ZPC Hwange yokundwa, Hwange FC ndiyo inobva yahwina tikiti rekupinda muPSL mwaka unotevera.

Zvakadaro, svondo radarika chikwata cheSimba Bhora chakahwina tikiti rekupinda muPSL zvichitevera kukunda kwayakaita Commando Bullets 3-0 kuWadzanai Stadium kuShamva.

Simba Bhora yakakwanisa kuwana mukana uyu pamberi peGolden Eagles neHerentals U-20 izvo zvairwirawo kupinda muPSL gore rinotevera. Achitaura zvichitevera kupinda kwakaita Simba Bhora muPSL, murairidzi wechikwata ichi, Arthur Tutani, anoti mwaka wegore rino weRuyamuro Northern Region wange wakakura nekudaro waida kuti varwe semvumba.

“Mutambo wange wakaoma zvikuru, asi takaramba takangosona vanhu tichiziva kuti mujaho wakareba. Mujaho wacho wange wakareba saka takarwa kubva pekutanga kusvika kumagumo.

“Zvatave kupinda muPremier League seSimba Bhora, tinofanirwa kusimbisa chikwata chedu kuitira kuti chigokwanisa kumisidzana nezvimwe zvikwata zvemuPSL,” anodaro Tutani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey