Zvinosunda mutambo

24 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
ZVINHU zvinoita kuti mutambo uyu utambike:

Kupera kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetwa naCindy.

Kuramba kuteerera kunoitwa naRuvengo kuti adzinge amai vake, VaHaruna vadzokere kumusha kuDharuweni.

Kupomerwa huroyi kunoitwa VaHaruna naCindy achida kuti vadzokere kumusha kwavo kuDharuweni.

Kusatsvairwa kunoitwa mumba yekurara yaCindy naRuvengo nemusikana webasa, Tsitsi pamwe chete nekusageza chimbuzi chemumba umu.

Kurambidzwa kugara mumasofa nekuona chivhitivhiti chakanaka kunoitwa VaHaruna naCindy achiti vanozadza masofa bute.

Tsamba inonyorerwa Ruvengo nemukuru wenyika achimushedza kuti adzokere pabasa.

Kushanya kwaRegina kumba kwaCindy kuBraeside achida kunomuona.

Zano raCindy naLaiza rekuti vauraye VaHaruna nekeke rine muchetura wemakonzo.

Kunhongwa kwekeke naKumbie achidya asina kumirira kupihwa.

Kurwara kunoita Kumbie nemudumbu achingogomera mushure mekudya keke.

Kurohwa netsvimbo kunoitwa Regina naCindy achiedza kuda kurova amai vake, Laiza.

Kumhanya kunoshevedza mapurisa kunoitwa naMaggie.

Kusungwa kwaCindy naLaiza nemapurisa.

Matambudziko anowira vatambi:

Mbuya Haruna vanosangana nedambudziko rekupomerwa huroyi.

Mbuya Haruna vanowirwa nedambudziko rekurambidzwa kugara pamasofa akanaka nekuona chivhitivhiti chakanaka nekuti vanoputa bute (rusarura).

Kumbie anosangana nedambudziko reurwere hwemudumbu.

Ruvengo anowirwa nedambudziko rekupererwa nebasa zvinoita kuti ave rovha.

Laiza naCindy vanosangana nematambudziko ekusungwa.

Regina anosangana nedambudziko rekurohwa pamhanza netsvimbo naCindy.

Maggie anowirwa nedambudziko rekufirwa naamai vake zvinoita kuti azotange kugara naCindy achishungurudzwa.

Tsitsi anosangana nedambudziko rekutukwa naCindy nenyaya yekusatsvaira muimba yake yekurara pamwe chete nekugeza chimbuzi.

Laiza anosangana nedambudziko rekushorwa pamwe chete nekutukwa nemwana.

VaHaruna vanosangana nematambudziko ekurera vanaRuvengo naRozi kuti vakure mushure mekunge murume wavo afa vachisiiwa vave shirikadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey