Zvimwe zvinoderedza goho

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Zvimwe zvinoderedza goho

Kwayedza

naSimba Gotosa

MASVONDO akapfuura takataura nezvembeu dzechibage dzeSeed Co dzinopa goho rinoita kuti murimi asare achinyemwerera nomufaro – Sc 637, Sc 719, Sc 727. Asi mbeu idzi hadzingaiti mashura kana zvichikura zvose nemasora.

Mbesa dzechibage nesoya beans zvirimwa zvinorimwa nguva imwe chete yemwaka dziri mumaraini akapamhamha zvinokonzera kuti akwikwidzane nesora nekutora feteraiza yamunenge mamwaya.

Varimi zivai kuti chibage nesoya beans zvinokura zvishoma kupfuurwa nesora mavhiki 6-8 ekutanga. Sora revave (Shamva grass) semuenzaniso, rinogona kuderedza goho nezvikamu zviri pakati pe57-80%.

Kune chirivo chinoti murimi akarega sora richiburitsa mbeu yaro kwegore rimwe, zvinoreva makore manomwe ekusakura.

Huipi hwemasora  kumbesa:

1.         Sora rinoderedza goho remurimi

2.         Sora rinorwidzana nembesa pakutora chikafu

3.         Sora rine simba rekubvutidzana mvura shoma inenge yanaya nembeu

4.         Sora rinogona kuvhunga/kuvharidzira mushana vakakosha kumbeu

5.         Sora rinounza zvirwere kumbesa

6.         Sora rinopa hudyi (pest) pekuhwanda zvichizopa kuti zvidye mbeu, goho rodzikira.

7.         Midzi yemamwe masora inobuditsa chepfu inokanganisa mbeu kukura zvakanaka, semuenzaniso bise (witchweed).

8.         Modzi dzemamwe masora dzinokanganisa kunaka kwembeu dzinokohwewa nevarimi semuenzaniso, tsine (blackjack) mudonje.

Sora rinonyanya kunetsa muminda:

1.         Tsine (blackjack)

2.         Chowa (pigweed)

3.         Pfende (nutgrass)

4.         Tsangadzi (couchgrass)

5.         Sausi (rapoko grass)

6.         Chinzungu (Mexican clover)

7. Vave (shamva grass)

8. Kateve (morning glory)

9. Bise (witch weed)

Murimi anoziva sei huwandu wemishonga yesora nemvura yaramwa (calibration)?

Munobatiswa zvinodiwa kuti calibration iite nyore:-

1. Tape measure – kuonesa hwasha hwechinobuditsa mushonga kumberi kwechigubhu (nozzle).

2. Chiringa zuva (watch) – kuonesa nguva inofambisa pandima inenge yatarwa

3. Measuring jug – kuonesa huwandu hwemvura inobuditswa nenozzle

Matanho ecalibration yechigubhu (knapsack):-

i.  Zadzai chigubhu nemvura yakachena

ii. Pombai chigubhu kusvika chaguta movhura mvura kuti ibude ichipinda mumeasuring jug kweminiti imwe chete (flow rate litres or minute) – tomboti tawana 1,2 litres per minute nekukura kwenozzle yatinayo.

iii. Chipomberaizve mvura pasi makasimudza nozzle 45 cm kubva pasi. Ngatishandise measuring tape kuona hwasha inonzi (swatch).

iv. Munhu akabereka chigubhu chizere ngaachifamba mumunda achiita seanomwaya mushonga kweminiti imwe chete. Izvi ngazvidzokororwe katatu tobva tazvienzanisa (average). Ngatimboti tawana 60m/minute.

v. Kuwana mvura inobuditswa pahekita = (flow rate x 10 000)

speed x swatch

*flow rate taiwana pa(ii)                                                                                                                                                *swath rate taiwana pa(iii)

*speed rate taiwana pa(iv)                                                          (1,2 X 10000)/(60 X 0,9)                                                                                                               =222 litres

Mvura inoita 222 litres ndiyo ichamwaiwa pahekita imwe chete nechigubhu ichocho uye nenozzle iyoyo iripo zvekare tichishandisa munhu iyeye akabereka chigubhu. Pakawana chachinja totanga calibration patsva.

Tomboti mushonga wesora Atrazine wakanzi pazvinyorwa zvakanamirwa pabhodhoro unodiwa 3.5lt/ha, muchigubhu tosanganisa mushonga wakawanda zvakadii?

· Chigubhu 16lts

· Hekita inoda mvura 222 litres

· Huwandu hweAtrazine pahekita 3.5lt/ha

Huwandu hwemushonga (Atrazine) pachigubhu 16 over 222 x 3.5 = 252m/s

Kutadza kuita calibration zvakanaka kune njodzi yeyi?

a) Murimi anogona kushandisa mushonga wakawandisa pandima diki zvokuvadza homwe yake.

b) Mushonga wakawandisa unogona kuvhiringidza kukura kwezvirimwa

c) Mushonga wakawandisa unogona kuuraya tupukanana turi muivhu tinodiwa nembesa.

d) Mushonga ukamwaiwa uri mushoma hauuraye sora ratakanangana naro, murimi anotopedzira aisa vanhu vekusakura zvobva zvauraya homwe

Mushonga wesora wakanakira chii kumurimi?

i. Chirimwa chakanangwa nacho chete ndicho chinobuda.

ii. Feteraiza yose yamunenge mamwaya inoinda kuchirimwa zvokonzera mbeu dzakaita seSc 719 kana Sc 727 kuti dziite mashura adzo chaiwa ekunanavira ku16t/ha

iii. Mwaka mizhingi mvura inonaya yava shoma saka kana munda wakachena, mvura yakawanda inoinda kuchirimwa

iv. Nemishonga yesora, hatikanganisi ivhu repamusoro (top soil) rine udyi hunodiwa nechirimwa

v. Munhu umwe anofirita hekita pazuva rimwe izvi zvinorerukira murimi

vi. Zvirimwa zvinokura zvakanaka pamavhiki 6-8 anokosha ekutanga kana mvura ikaramba ichinaya inopa varimi nguva shoma yekusakura, asi nemishonga munhu umwe anopedza ndima hombe nenguva diki

vii. Varimi vanowana nguva yekuzorora, vachigarawo zvakanaka vachishandisa mari yabva mukurima.

Yeuchidzo:

a) Ngativerengei zvakanamirwa pamabhodhoro emishonga

b) Mishonga ngaichengetedzwe pasingasvike vanhu (lock and key)

c) Ngatipfekei nguwo dzekushandisa (protective clothing) magirovhosi uye magamubhutsu kana tichifirita mushonga

Munguva ino murimi anokurudzirwa kuti afarire minda yake ndokuti zvavanoshanda zvibude, uye ndiko kuti zvatinokukurudzirai isu vekuSeed Co zvibudirire pokupedzisira mowana pundutso pakurima.

Varimi ngatishandisei mishonga yesora ndokuti mbeu dzeNzou Sc 719 neSc 727 dzikupei goho rine mutsindo, dzeShumba SC 633 neSC 637 dzikupei goho rinodzvova. Avo vari kunopisa (natural region 3-5) regai mbeu dzembizi SC 513, 529, 533, dzeTsoko SC 403 kana dzeTsuro SC 301 dzikure makachena ndokuti matura enyu ati fashafashe.

Kuti Seed Co ndokuti mbeu!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey