AFCON: NdezveAlgeria

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
AFCON: NdezveAlgeria

Kwayedza

Abel Ndooka
ACHANGE ari makuwerere kubvira svondo rino musi weMugovera apo pachatanga mitambo yeOrange African Cup of Nations iyo ichange ichitambirwa kuEquatorial Guinea. Gore rino mitambo iyi ichange ichitambirwa kunhandare dzinoti Malabo, Bata, Mongomo uye neEbebilyin.Pakutanga, sangano reConfederation of African Football (CAF) rainge rakapa nyika yeMorocco chiremerera chekuronga mutambo uyu asi yakazoramba nekutya chirwere cheEbola icho chiri kutsviriridza kunyika dziri kudunhu reWest Africa.

Mutambo uyu uchange une zvikwata 16 uye zvese zvakaiswa mumapoka mana umo zvichange zvichirwira kuti zvigoenda kufainari.
Nigeria ndiyo ine mukombe uyu uyo wayakahwina kuSouth Africa muna 2013 asi gore rino ichange isiko kuAFCON sezvo yakakundikana kuhwina mitambo yayo.

Kukundikana kweNigeria kwakavhurira zvikwata zvizhinji mukana kuti zvihwine mukombe uyu sezvo maSuper Eagles, sekuzivikanwa kunoitwa Nigeria, ari chimwe chezvikwata zvepamusoro zvemuAfrica.

Nyika dzinoti Ivory Coast, Cameroon, Ghana, Guinea, Mali, Zambia, South Africa neAlgeria ndidzo dziri kufungidzirwa nevazhinji kuti dzinogona kutora mukombe uyu.

Vatambi vakaita saYaya Toure weIvory Coast uyo achangobva kuhwina mubairo African Footballer of the Year, Pierre-Emerick Aubameyang weGabon, Gervinho (Ivory Coast) naAndrew Ayew (Ghana) ndivo vamwe vanotarisirwa kupenya kumutambo uyu.

Mitambo yeAFCON inoteverwa nevatsigiri vakawanda venhabvu vemuno kunyangwe hazvo Zimbabwe yakakundikana kubudirira kuenda kumutambo uyu.

Pamapoka ese akarongwa kuAFCON gore rino maziso evatsigiri venhabvu vazhinji achange ari muGroup D umo mune zvikwata zvinoti Cameroon, Cote d’Ivoire (Ivory Coast), Mali neGuinea rinova boka riri kudanwa kuti Group of death.

Muhurukuro nevamwe vatsigiri vemutambo uyu pamwe nevaongorori vanoti zvikwata zvakaita seAlgeria, Cape Verde Islands pamwe neCote d’Ivoire ndizvo zvine mukana mukuru wekuhwina mukombe gore rino.

Shasha pakuongorora nhabvu pamwe nekushamarara zvemutambo uyu Charles ‘CNN’ Mabika anoti mutambo wegore rino uchange usinganakidze sezvo maWarriors eZimbabwe pamwe nemaSuper Eagles eNigeria ayo ane mukombe uyu achange asiko.

Mabika anoti chikwata cheAlgeria ndicho chinogona kuhwinha mumutambo uyu sezvo chiine vatambi vanodadisa.
Anoti Algeria yakasimbisa zvikuru zvekuti inogona kutadza kukundwa kumitambo iyi asi zvimwe zvikwata zvakaita seCote d’Ivoire, South Africa neCape Verde Islands zvinogonawo kutora mukombe uyu.

“Ini hangu mutambo uyu uchange usingandinakidze nekuti maWarriors angu andinodisisa achange asiko gore rino uye maSuper Eagles eNigeria ayo ane mukombe uyu achange asiko saka zvinobva zvabhowa.

“Ndichitarisa zvikwata zviri kumutambo uyu ndinoona sekunge Algeria inogona kutora goridhe gore rino sezvo iine chikwata chakasimba.
“Nhabvu hayo inonetsa kuti titaure kuti chikwata chipi chichahwina nekuti mumitambo yemikombe zvikwata zvamusingafungidzire ndizvo zvinohwina.

“South Africa ndiyo imwe hangu yandinoona kuti inogona kuvhundutsira nekuti ine vatambi vanogona, vazhinji vacho havana mukurumbira wakanyanya saka vachange vachida kurakidza kugona kwavo.

“Ndichitarisa hangu vatambi vese vari kumutambo uyu, maziso ese achange ari panaYaya Toure vachida kuona kuti anogona kutungamira here chikwata chake kusimudza mukombe uyu,” akadaro Mabika.

Mutambi wenhabvu weCAPS United nemaWarriors, Hardlife Zvirekwi uyo aive muchikwata chemuno chakakundikana kubudirira kuenda kuAFCON, anoti gore rino achange achimhanya neCape Verde Islands iyo yaakati yakarongeka zvikuru.

“Mari yangu ndiri kuiisa paCape Verde Islands, chikwata ichi chakarongeka zvikuru uye chinogona.
“Ndanga ndichitevera mitambo yacho kubva kure saka ndiri kuitemba, ndiri kuiona ichihwina. Inozogona kutadza hayo kuhwina asi mufainari ichange irimo.

“Vatsigiri vamwe venhabvu vachange vachitevera Ivory Coast asi ndinoona vachizorwadziswa mwoyo nekuti chikwata ichi chagara chichirasisa vatsigiri vacho.

“Ine vatambi vepamusoro-soro asi hapana kwainombosvika togara tichingozviona,” akadaro Zvirekwi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey