AgriSeeds yakabura mbeu itsva

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
AgriSeeds yakabura mbeu itsva

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI inouchika mbeu yeAgriSeeds yakabura mbeu itsva dzezvirimwa zvakasiyana iyo inonderana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Izvi zvakaziviswa naVaIvan Craig vanove mukuru anoona nezvekutengeswa kwembeu kuAgriseeds svondo rapera pachirongwa chekumema minda inorimwa mbeu itsva inenge ichiri kuongororwa nekambani iyi kuMazowe.

Vaive pachitiko ichi vanosanganisira mauto vanove varimi kuZimbabwe Defence College nevatengesi vembeu vemuzvitoro zvakasiyana.

VaCraig vanoti vanoona budiriro huru pane dzimwe mbeu itsva dzavari kubura.

“Chiitiko ichi ndechekutanga munhoroondo yekambani ino apo tiri kumema nzvimbo yatinoitira ongororo yembeu dzatinorima pamwe nekufundisa vatengesi vembeu maringe nemarimirwo embeu dzedu uye zvinodiwa madziri.

“Takaona izvi zvakakosha nekuti kuti unzi mutengesi wembeu unofanira kuve neruzivo rwakadzima maringe nemarimirwo adzo, nzvimbo dzakakodzera kurimwa mhando dzembeu dzakasiyana, fetereza inodiwa nezvimwe kuitira kuti paunobvunzwa nevatengi hauwanikwi uchindandama.

“Vatengi vanoda kutenga zvinhu zvavanoziva kuti zvinoshandiswa sei saka harisi basa remadhumeni bedzi asi kuti zvinoda mushandirapamwe,” vanodaro.

Vanoti kambani yavo yakabura mbeu itsva idzo dzinofambirana nekusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

Mbeu idzi dzinosanganisira yechibage Zap 31 inokasika kukura, Zap 63 inoibva zviri pakati nepakati neZap 71 inotora nguva ndefu.

Pamusoro pezvo, pane mbeu itsva yemapfunde inonzi Hwedza isingadyiwe neshiri nhando, bhinzi dzemhando yeHohodza nemapfunde zvakare emhando yeOkashana.

VaProgress Musiiwa vanoona nezvekutengeswa kwembeu kuAgriSeeds mudunhu reMashonaland Central vanoti vanokurudzira varimi kuti vatenge mbeu dzavo muzvitoro zvakanyoreswa.

“Mazuva ano kune makoronyera ari kutsvaga kurarama saka varimi vanogona kutengeserwa mbeu dzemumikoto voguma varasikirwa negoho.

“Tinoda kuti vatenge mbeu dzedu muzvitoro tichivavimbisa kuti vanowana goho guru zvikuru sei kana vakatevedza zvinodiwa mukurima zvakadai sekugona kubata mwaka, kusakura masora ese, kuisa fetereza yakaringana uye kugona kuparadzanisa mbeu zvine mwero nekuregedza kuwanza mbeu panzvimbo imwe chete,” vanodaro.

VaOnai Makone vanove mutengesi wembeu kukambani imwe chete iyi vanoti vari kutarisira kuzounza mbeu dziri mumapaketi ese anodiwa nevatengi zvichienderana nehomwe dzavo.

“Varimi vari kuda ma1 kg, 2 kgs, 5 kgs, 10 kgs ne25 kgs embeu. Tichaita zvido zvavo kuti kunyangwe vane kamunda kadiki vanotenga uye zvinobatsira kuti vasazotenge mbeu dzekupima mumikoto dzinova dzemanyepo.

“Tichange tiri padande-mutande kuitira kuti tipe ruzivo kuvarimi vari kunzvimbo dzese dziri kure uye tiri kufamba tichiona minda yevarimi kuti tione kuti vakabura zvakadii nekunzwa matambudziko avo kuti agadziriswe nenguva. Varimi vazhinji vatakashanyira vari kufara zvikuru nembeu yedu uye vane goho guru,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey