Uncategorized

Akadonha nyoka achinamata

01 Sep, 2017 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Blessings Chidakwa ari kuGWERU —
MHOMHO yevanhu vaive pakati pekunamata pane rimwe sowe panzvimbo iri pedyo neMkoba Teachers’ College, kuGweru vakaita chitsoka ndibereke mushure mekunge mumwe mukadzi adonhedza nyoka yerudzi rwendara, iyo pachivanhu inonzi inoera.

Mukadzi uyu — uyo anoti anongoda kuzivikanwa nezita rekuti Mercy — anoti: “Hongu, ndakadonha nyoka yendara mushure mekunge ndapihwa tsanangudzo yekuti nyoka iyi inondiita mudzimai wayo. Chinondikatyamadza ndechekuti pose pandairara, ndairota ndichiitwa mudzimai nenyoka iyi asi kuti ndizive kuti ndaigara nenyoka muchiuno mazuva ose zvichiri kutondivhundutsawo.”

Pachivanhu, nyoka yerudzi rwendara inonzi inoera uye kuonekwa kwayo munzvimbo dzakaita sezvivanze zvemisha kunonzi kunoshura zvakaita sekufa kwemunhu pamusha wainenge yaonekwa. Mumwewo anoti aiva pasowe apa musi wadonhedza mudzimai uyu nyoka – Mike Dube – anotsinhira nyaya iyi achiti izvi zvakaitika Chishanu chadarika.

“Chandinokwanisa kupa huchapupu ndechekuti ndakangoona mudzimai uyu achidonha nyoka kubva muchiuno chake iyo yakazobatwa nevasondosi ichibva yauraiwa ndokuzopiswa,” anodaro.

Mery pari zvino ari kushandirwa naMicky Mahove uyo anozivikanwa saMadzibaba Beswage, kwekare kuGweru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey