Allegri angangorairidza Chelsea

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

AIMBOVE maneja waMassimiliano Allegri – Giovanni Galeone – anoti chizvarwa chekuItaly ichi ndicho chichave murairidzi mutsva weChelsea mwaka unotevera mushure mekunge aivimbiswa mari zhinji naRoman Abramovich.

Chamangwiza weJuventus, Beppe Marotta, svondo rino akasimbisa kuti Allegri haasi kuzosiya basa rake rekutungamira chikwata ichi achienda kunorairidza kuStamford Bridge.

Asi Galeone, uyo aimbove maneja waAllegri panguva yavo vose vari kuPescara, anoti shasha iyi – iyo ine makore 48 okuberekwa – ichaenda kuEngland uye ane zvese zvinomubatsira kuti anobudirira muPremier League.

“Ndinofunga kuti Max achaenda kuChelsea uye achanobudirira ikoko. Sezvo ari mumwe wevarairidzi vane mukumbira pasi rose, achabva kuJuventus, hazvibatsire kuti angorambe ari kuItaly,” akadaro.

“Kwandiri hangu, ndinoona achibva kuItaly, uye ndinoona achienda kuEngland nekuti zvaakavimbiswa naRoman Abramovich zvikuru.

“Allegri ari kuita zvinhu zvikuru, kunyangwe hazvo chikwata chake chakakundikana kutenga vatambi vaaida mwaka uno.”

Allegri, uyo akahwina mukombe weSerie A mumwaka wake wekutanga achirairidza AC Milan mugore ra2010-11, akagara makore matatu ari kuSan Siro asati aenda kuJuventus muna 2014.

Akabatsira Juventus kuhwina mukombe weLeague, Coppa Italia nekusvika mufainari yeChampions League mwaka wadarika, mumwaka wake wekutanga kuchikwata ichi.

Juventus yakwanisa kuhwina mitambo yayo 14 yakatevedzana uye yakagara pechipiri ichitevera Serie A Napoli iyo yakaisiya nezvibodzwa zviviri. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey