Aponda mukadzi wekumuramba

07 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Aponda mukadzi wekumuramba Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuShurugwi akasungwa nemhosva yekuponda aimbove mudzimai wake mushure mekunge aramba kuti vadzokerane zvichitevera kusiyana kwange vaita.

Nyaya iyi yakaitika mubhuku raMutamba, kwaMambo Nhema, mangwanani emusi wa10 Ndira.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutumbi waLubitsi Mubita (31) wakawanikwa uri muimba yake yekurara.

“Mutumbi wemudzimai uyu wakawanikwa nemurume wake Lawrence Hungwe (48) apo akasvika kumba mangwanani achibva kurwendo. Semapurisa, takasunga aimbova murume wemudzimai uyu uyo akarambana naye, Rangarirai Mukoko (48), wemubhuku raMutamba munzvimbo imwe chete iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mukoko anonzi akambenge aonekwa mangwanani emusi uyu achidzengerera pamusha wemudzimai uyu uye anonzi akatora nguva refu achiedza kumunyengetedza kuti vadzokerane asi akaramba.

“Mutumbi wemudzimai uyu waiva nemaronda ekubaiwa nebanga panzvimbo dzakasiyana uyewo chiziri inofungidzirwa kuti yakashandiswa mukuponda mudzimai uyu yakawanikwa iina Rangarirai Mukoko, chinova chombo chiri kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Mutumbi wemudzimai uyu wakazoendeswa kuchipatara cheShurugwi District Hospital.

“Semazuva ose, tinoramba tichikurudzira vanhu kuti vasiyane nemhirizhonga, hazvinei kuti vari kugadzirisa nyaya dzakaoma sei. Mukurwisana ndimo munobva kuzopondana nekukuvadzana torasikirwa neupenyu nezvinhu zvisina maturo,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya, mapurisa ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemurume wemakore 27 wakawanikwa wakarembera mumuti padyo nezambuko remurwizi kuGweru.

“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa11 Ndira nenguva dzemangwanani. Tine munhu aidarika nemugwagwa achienda muguta reGweru apo akaona mutumbi waPaul Sigauke anobva kwaSabhuku Chikanga kwaSadunhu Chivhenge, kudunhu raMutema, kuChipinge wakarembera mumuti,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, mutumbi uyu ndokuendeswa kumochari yechipatara cheGweru Provincial Hospital.

“Mapurisa ari kukumbira kuruzhinji kuti kana paine zvinovanetsa vawane vanhu vavanotaurira, zvikuru masahwira uyewo kumapurisa nemasabhuku kana madzishe,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey