Arsenal yokweretesa mutambi zvemwaka uno

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Arsenal yokweretesa mutambi zvemwaka uno

Kwayedza

MUTAMBI weArsenal Yaya Sanogo akatengeswa kuCrystal Palace nechikwereti kusvika mwaka uno wenhabvu wapera. Sanogo akatengwa neArsenal kubva kuAuxerre mumwaka wenhabvu wegore radarika asi haana kutamba zvakanyanya, kazhinji kacho aitamba mumutambo yeFA Cup asi haana kukwanisa kunwisa.

Ari kutarisira kuwedzera moto muchikwata chePalace icho chakwanisa kunwisa ka22 mumitambo 21 muPremier League parizvino. Mumwe mutambi wechikwata ichi, Mile Jedinak, akwanisa kunwisa kashanu anove iye ari kutungamirira pakunwisa. Sanogo ndiye mutambi wekutanga kutengwa naPardew kubva paagadzwa pachigaro chinopisa kuSelhurst Park svondo radarika.

Pardew akati: “Mutambi wechidiki ane ramangwana rakanaka wandange ndichiongorora zvikuru uye ndinoona chiedza chakanaka zvaauya kuchikwata chino.

“Tamupa mukana waange achida, anofanirwa kutamba mitambo yakawanda, ndinofunga kuti akagadzirira kutamba uye akazvirakidza kuArsenal. Zvakaoma kupinda muchikwata chavo asi ari pedyo zvakanyanya kuno kupinda muchikwata chedu.” Sanogo akabvuma oga kuti kuenda kuchikwata ichi chemuLondon kwakamunakira zvikuru sezvo ange achitatarika kutamba kuEmirates uko aive ari kumashure kwaOlivier Giroud pamwe nevamwe.

Akati, “Maneja weArsenal paakataura neni nezveCrystal Palace ndakafara nekuti ndiri kuda chaizvo kutamba mitambo yakawanda.
“Ndinofunga kuti Palace chikwata chakasimba, ndakaona mutambo wacho neTottenham uyo wavakatamba zvinonwisa mvura. Ndinoshuvira kuti ndichabatsira chikwata ichi mumitambo yacho inotevera.” – Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey