Boka yobatana neWindmill kusimudzira varimi

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Boka yobatana neWindmill kusimudzira varimi Chido Nyakudya

Kwayedza

Chido Nyakudya

Chido Nyakudya

MUSIKA mukuru unotengesa fodya munyika muno weBoka Tobacco Auction Floors (BTF) wobatana nekambani inotengesa fetereza nemishonga yekurima yeWindmill (PVT) Ltd nedonzvo rekuwanisa varimi zvekushandisa nemitengo iri pasi.

Mushandi mukuru anoona nezvekutengeserana, kufambiswa kwemabasa nebudiriro kuBTF, Mai Chido Nyakudya, vanoti hurongwa uhwu huri kubatsira varimi vefodya zvikuru.

“Sekambani takawirirana neWindmill kuti vabatsire varimi vanotengesa fodya kumusika wedu kuti tinovapa tsamba yavanonotengesa fetereza kukambani iyi vodzikisirwa mitengo nechikamu chinoita 5% kubva muzana uyewo kana vachida kutenga mishonga yekuisa mufodya kana mune zvimwe zvirimwa vanodzikisirwa nechikamu chinoita 2% kubva muzana,” vanodaro Mai Nyakudya.

“Regai nditaure ndichiti izvo hazviitirwe vamwe varimi vefodya vose asi kuti vanenge vatengesa fodya yavo kumusika wedu wekwaBoka vaine magwaro anovatsigira seumboo kuti vakaendesa fodya kumusika wedu, kutenga fetereza kukambani yeWindmill nemishonga yemufodya nezvimwe zvirimwa munodzikisirwa.” Kuti murimi akwanise kupinda muchirongwa ichi, anotarisirwa kuuendesa mabhero mashanu kana kudarika efodya kukambani yeBoka.

“Mitengo yemishonga nefetereza ichange yakaderera kusvika musi wa31 Nyamavhuvhu gore rino ra2016 kuvarimi vedu vefodya, fetereza iyi hatisarudze ingava Compound D, Ammonium Nitrate, Compound C nemishonga yakasiyana yemusora nemuzvirimwa,” vanodaro Mai Nyakudya.

Fetereza iyi nemishonga zvinokwanisa kuwanikwa kumusika weBoka kana kune zvimwe zvitoro zvinotengesa zvekurimisa kubva kukambabni yeWindmill kana kumuzinda wayo muHarare. Zvakadai, Mai Nyakudya vanoti kune varimi vose vanoenda kunotengesa fodya kumusika wavo vanowaniswa zvose zvavanoda, kusanganisira kutengerwa nenguva uyewo nzira dzakanaka dzekubhadharwa nadzo.

“Tava nengoro itsva dzakawanda dzematrolleys dzinodhonza fodya kana ichipinda kuti itengeswe neinobuda. Ngoro imwe chete inotakura mabhero makumi mashanu efodya, izvi zvinoita kuti basa rifambe zvakanaka uyewo tine nzvimbo huru yekuchengetera fodya zvinoita kuti nzvimbo yedu ive yakasununguka,” vanodaro Mai Nyakudya.

Kambani iyi iri kuitawo makungano ekudzidzisa varimi kumatunhu akasiyana nzira dzemarimirwo efodya nezvimwe zvakasiyana.

“SeBoka tine makungano atiri kuita nevarimi atinoshevedza kuti Boka Tobacco Forum apo tinoenda nevamwe vari muchikamu chekurimwa kwefodya tosangana nevarimi tichivadzidzisa mune zvakasiyana kubva mukurimwa kwayo, zvinodiwa pakuikohwa nekupisa kusvikira pakuitengesa nezvimwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey