Uncategorized

C B Z yobatsira vechidiki

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

BHANGA reCBZ rakaparura chirongwa chekubatsira vechidiki vane makore anotangira pa18 kusvika 30 okuberekwa, cheYouth Entrepreneurs Programme (Y.E.P), nemari yekuti vaite mabhindauko anovararamisa.Svondo rapera vebhanga iri raiva kuBindura uko rakaita musangano nevechidiki pamusoro pechirongwa ichi. Vachitaura nevatori venhau, VaJoel Gombera, vanova mukuru kuchikamu chemarketing kuCBZ, vanoti donzvo ravo nderekusimudzira vechidiki.

“Chirongwa ichi takachiita mumatunhu anoti Manicaland, Mashonaland West neMashonaland East. Nhasi tiri muno muBindura, kuMashonaland Central.

“Vechidiki vari kuratidza kufarira chirongwa ichi. Vari kuti vanoda kudzidziswa kuti vangazvifambise sei zvemabhizimisi,” vanodaro VaGombera.

Vanoti chinangwa chavo ndechekubatsira vechidiki vanosvika zana mupurovhinzi yoga-yoga kuti vakwanise kutanga mabhindauko. Mumwe wechidiki ari kubatsirika pasi pechirongwa ichi, Wilfred Brown, anotenda CBZ nekuvasimudzira.

“CBZ yatigonera chaizvo nekuti tanga tiine mapurojekiti akawanda mumisoro yedu asi kuti tiatange zvanga zvakatiomera nekuda kwekushaya mari uye ruzivo. Ndine tarisiro yekuti zvishuviro zvangu zvave kuzozadziswa neY.E.P,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey