Chabvondoka kuChipaz Bhora

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Chabvondoka kuChipaz Bhora

Kwayedza

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino nemusi weMugovera kunhandare yeGwanzura Stadium, muHarare kumutambo wevaimbi vesungura neveZim-Dancehall weChipaz Bhora.

Mutambo uyu uchaona chikwata chevatambi vesungura vanosanganisira Alick Macheso, Jah Prayzah, Sulumani Chimbetu, Peter Moyo, Mathius Mhere naBaba Mechanic Manyeruke vachisangana neveZim-Dancehall vakaita sa Soul Jah Luv, Seh Calaz, Killer T, Kinnah pamwe naTocky Vybz.

Unotambwa gore rega-rega uye pawakatanga waitambwa uri wevaimbi neshasha dzakanetsa munhabvu kare asi kubva gore radarika wave wevaimbi veSungura neveZim-Dancehall.

Makwishu aya ari kurongwa naPartson Chimbodza weChipaz Promotions iyo ine mukurumbira wekuronga mashoo evaimbi vazhinji.

Mutambo uyu usati watanga, pachatamba vatori venhau vePrint vs Electronic Media kozoti weCAPS United vs FC Platinum.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Chipaz sekunyanya kuzivikanwa kunoitwa Chimbodza, akati mutambo uyu ndewekutsvaga mari yekubatsira vanotambudzika muhupenyu hwavo.

Chipaz anoti gore rino Chipaz Promotions ichabatsira sangano rinochengeta vakwegura nerimwe renherera.

“Achange ari makuwerere svondo rino pamutambo weChipaz Bhora, uyo uchaona vatambi vesungura vachisangana neveZim-Dancehall.

“Donzvo redu ndere kutsvaga mari yekubatsira vanotambudzika muhupenyu hwavo saka mari yese yatichawana tichaishandisa kubatsira vakwegura nenherera.

“Vaimbi vose vari kutsigira mutambo uyu uye vari kuita zvavanokwanisa kuti ugobudirira,” akadaro Chipaz.

Zvakadaro, maziso ose change ari pamutambo weSungura vs Zim-Dancehall asi usati watanga CAPS United ichasangana neFC Platinum mumutambo uyo zvikwata zviviri izvi zvichashandisa segadziriro apo zvakatarisana nekutanga kwemwaka mutsva kwePremier League.

Zvikwata zviviri izvi zvakatenga vatambi vatsva saka zvichatora mukana wemutambo uyu kuvaongorora.

CAPS United yakatenga vatambi vakaita saBrian Abbas Amidu, Archford Gutu, Allan Gadzikwa naTafadzwa Dube kozotiwo FC Platinum yakatengawo Hillary Bakacheza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey