Champions yotsigira mitambo

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

KAMBANI yeChampions Insurance inoti gore rino yakatarisira kusimudzira mitambo muzvikoro, kunyanya wegorofu uyo usati wava kukosheswa muzvikoro zvizhinji.

Vachitaura vakamiririra kambani iyi nguva pfupi yadarika, VaJohn Chawira, vakati mitambo ndeimwe nzira yekuzadzikisa zvido zvevana apo vanenge vachiratidza matarenda avo akasiyana.

“Gore rino tiri kuti rinofanira kurangarirwa zvakanyanya nekuti kambani yedu iri kuda kutanga tournament yemutambo wenhabvu pamwe chete negorofu. Mumakwikwi aya, ayo atiri kutarisira kuti achange aine zvikoro zvakawanda, tichange tichizopa mibairo kune vanenge vakunda. Zvese izvi tiri kuzviita nekuda kukurudzira hushamwari hwakanaka muzvikoro pamwe chete nekuzadzikisa chinangwa chedu chekuda kuva nezvikoro zvine hushamwari nevana (child friendly schools),” vakadaro VaChawira.

Vakatiwo zvakare vakabatana nebazi remitambo, tsika nemagariro mukuvandudza mitambo muzvikoro.

“Mitambo iyi hatina kungoironga toga asi kuti takabatana nebazi rezvemitambo kuti tikurudzire makwikwi aya. Pari zvino hatisati tava nenguva zvayo yekuti zvinotanga riini nekuti takangomirira varongi vezvemitambo vanomiririra zvikoro kuti vatiudze kuti makwikwi aya oitwa riini.”

VaChristopher Katore vanova Education Officer kubazi remitambo, tsika nemagariro vakatsinhirawo mashoko aya vachiti vechidiki vanofanirwa kukurudzirwa mune zvemitambo kuti zvikure zviri mavari uye varatidze zvipo zvavo.

“Makwikwi aya anounza zvakawanda muzvikoro zvinosanganisira kuti vana vanenge vachidzidza mitambo yakanga yakanganikwa yakaita segorofu uye kuratidza zvipo zvavo zvinozoita kuti mwana akure ari mune zvemitambo kusvika pakuzotambira chero nyika chaiyo.

“Mibairo yavari kuzowaniswawo zvakare kune vanenge vakunda inzirawo yakanaka yekupa vana shungu nekuti vamwe vacho ndiwo achazova mabasa avo mune ramangwana.

“Mutambo wegorofu unotorwa nevazhinji sewevanhu vepamusoro asi pari zvino tava kuti kwete ngauve unotambwa nemwana chero ari kubva kuzvikoro zvekumaruwa,” vakadaro.

Kambani yeChampions iri kutarisirawo zvakare kupa mibairo kuzvikoro zvichange zviri mumakwikwi emaMerit Awards gore rino. Mibairo iyi inodaidzwa kuti Green awards.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey