Uncategorized

Chechi yokoshesa utsanana

14 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
Chechi yokoshesa utsanana Madzibaba Bond vachigeza mawoko pamasowe pavo.

Kwayedza

Munyori weKwayedza
CHECHI yeJohane Masowe weChishanu iri kuUnit N Extension, kuChitungwiza – iyo inonyanya kuzivikanwa nekunzi Bonservia Johane Masowe ichitungamirirwa naMadzibaba Bond Bonservia Gumira – inoti inokoshesa utsanana mune zvose zvainoita nedonzvo rekudzivirira kunyuka kwezvirwere.

Madzibaba Bond vanoti vakacheresa chibhorani pamasowe avo ndokuisa magetsi anoshandisa moto wezuva pamwe nekuvakisa zvimbuzi zvinoshandisa mvura yemupombi.

“Kare, chinamato chechipositori chaitarisirwa pasi zvikuru kuchinzi mapositori vakasarira. Zvino isu veJohane Masowe Bonservia taratidza musiyano pano. Takaisa mvura inobva muchibhorani ichidhonzwa nemagetsi ezuva uyewo zvimbuzi zvedu ndezvechizvino-zvino.

“Kana tikada kubika ndisu, yekunwa yacho yakachena, muzvimbuzi tinoshandisa mvura yemupombi,” vanodaro Madzibaba Bond.

Madzibaba Jonathan Chikasha – avo vanoona nezvekudyidzana neruzhinji – vanotiwo chechi yavo inokoshesa utsanana.

“Tinoti nzvimbo inonamatirwa ngaivandudzwe kwete kunamatira mukati memhindo, ivo vanouya vachibatsirwa havatye kusvika pasowe redu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey