Chikoro chobatsira vana vekuMoza

04 Dec, 2015 - 00:12 0 Views
Chikoro chobatsira vana vekuMoza

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKORO cheSouth Downs Primary School, icho chiri pamuganhu weZimbabwe neMozambique, kuChipinge, chiri kubatsira vana venyika mbiri idzi mukusimudzira fundo yavo izvo zvinova mucherechedzo wekudyidzana kwadzo kwakanaka. Pakashanyirwa nzvimbo iyi neKwayedza nguva pfupi yadarika, vana vakawanikwa vachibva kumhiri yeMozambique kuenda kuchikoro ichi nevamwewo vachibva kudivi reZimbabwe.
Mumwe mubereki munzvimbo iyi, VaJabulani Ndunge (40), vanoti sevagari vemuZimbabwe, zvinovafadza zvikuru kuti vana vekuMozambique vauye kuzopinda chikoro kudivi ravo sezvo nyika mbiri idzi dziine hukama hwakasimba.

“Nzvimbo ino yatiri yeSouth Downs iri pamuganhu neMozambique kunzvimbo yeMaridhera, saka vana vose vanobva mumisha yeMaridhera vanopinda kuchikoro chedu ichi chinobvira Zero Grade kusvika Grade 7,” vanodaro.

“Nyaya iripo ndeye kuti vanhu vari mhiri yeZimbabwe nekuMozambique ihama nehama, vakaroorerana saka tinofambidzana pamadiro, zvimwe chete nevana vechikoro. Isu kuno tinoenda kunotenga kuzvitoro zveMaridhera ivowo vanouya kuno kuChipinge,” vakadaro.
Chikoro ichi chakavambwa mugore ra1893 uye chimwe chezvakapindwa nevagari vekuMozambique neZimbabwe kubva kare.

Mumwe mubereki kudivi reZimbabwe, Mai Nelly Makwiyana (39), vanoti zvikoro zvekuMozambique zviri kure zvakanyanya nekumuganhu wenyika mbiri idzi izvo zvinoita kuti vana vekuMozambique vadzidze paSouth Downs.

“Chikoro chekuMaridhera chiri kure zvikuru saka vana ava vanouya kuno nekuda dzidzo yekuno kuZimbabwe. Vana vakapedza chikoro kupuraimari vanouya kuno kuRatel Shoek Secondary kudivi reZimbabwe,” vanodaro.

Kwayedza yakazopinda mukati meMozambique ikanoona chimwe chikoro cheMaridhera chinhambwe chemakiromita gumi nemashanu kubva pamuganhu wenyika mbiri idzi.

VaKizito Antonio (40) vekuMozambique, vanoti vanotenda zvikuru Hurumende yeZimbabwe nekuvapa mvumo yekuti vana vavo vapinde pachikoro ichi.

Mukuru wezvedzidzo kudunhu reManicaland (Provincial Education Director), VaEdward Shumba, vanoti zvinotenderwa kuti vadzidzi vekune dzimwe nyika dzakaganhurana neZimbabwe vapinde zvikoro zvemuno.

“Bazi redu rezvedzidzo rinobvumidza izvi asi vana ava (vekune imwe nyika) vanobhadhara mari iri pamusoro zvishoma pane vemuno. Vana ava vanonzi muchiRungu ma’extra teritorial students’ uyewo mukati mavo tine vapoteri,” vanodaro VaShumba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey