Uncategorized

Chimbwamupengo – vet

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Chimbwamupengo – vet Dr Njagu

Kwayedza

Kingstone Mapupu

BAZI rinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo nedzimwe mhuka, reDepartment of Livestock and Veterinary Services, rinoti nyama yezvipfuyo zvakaita semombe zvinenge zvafa nekuda kwechirwere chechimbwamupengo haidyiwe nevanhu sezvo vanoidya vanogonawo kubatwa nechirwere ichi vorasikirwa neupenyu.

Dr Chenjerai Njagu, avo vanove deputy director kubazi iri, vanoti nyama yemhuka dzinofa nechirwere ichi, kunyangwe nezvimwe zvirwere, haitenderwe kudyiwa.

“Chimbwamupengo chirwere chakaipa zvikuru, tinokurudzira kuti vanhu vasadye nyama yemombe dzinofa nechirwere ichi kana dai nezvimwewo zvirwere. Vanhu ivava vanorwara nedenda iri kana kutofa,” vanodaro.

Mashoko avo anotevera nyaya yakaitika kwaChiendambuya, kuManicaland, uko kune mombe inonzi yakangotanga kupengereka ndokuda kutunga nekutsika-tsika muridzi wayo, ichibva yazopinda mubhedhurumu remuridzi wayo umo yakasvetukira pamubhedha wake, ichibva yazofa pakarepo.

Dr Njagu vanoti kana mombe ikabatwa nechimbwamupengo, inoonekwa nekuita hasha dzakanyanya ichitunga vanhu kana dzimwe mombe nekubuda furo kumuromo zvekare inongomhanya pasina aivhundutsa.

“Mombe ikabatwa nedenda iri inongokuma nekuruma dzimwe uye dzimwe nguva munozoona yave kutadza kufamba kana kufura kana kuzeya chayadya. Kune vaye vanoda kurapa mombe dzine chimbwamupengo, vanokwanisawo kubatira chirwere ichi pakudzishamisa miromo vachida kudzipa mushonga. Saka tinoti vanhu kana vaona kuti mombe dzavo dzine denda iri, ngavashevedze vanamazvikokota vanoziva nezvekurapa zvipfuyo,” vanodaro.

Dr Njagu vanoti kana riri bhuru rabatwa nechimbwamupengo, rinoonekwa nekudzingirira hadzi pasina zororo.

Vanoti mudzi wechirwere ichi unobva kumbwa zvinova zvakaita kuti chinzi chimbwamupengo.

“Imbwa ndidzo dzinotanga kubatwa nechirwere ichi, idzo dzozoguma dzave kuruma mombe kana vanhu nedzimwe mhuka dzinozobatwawo nacho.

“Uyewo makava akaruma dzingava mombe kana dzimwe mhuka musango, dzinobatwa nechirwere ichi. Saka isu semachiremba emhuka, tinoti imbwa ndidzo dzinofanirwa kutanga kurapwa tozotevera dzimwe mhuka dzakaita semombe,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa nedzimwe nyanzvi inoti zvipfuyo zvakaita semombe zvinokwanisa kubatwa nechirwere chechimbwamupengo.

Ongororo iyi inoti zvakare kunyangwe zvazvo zviratidzo zvechirwere ichi kumombe zvisingakwanise kuonekwa nekukasika, mombe inenge iine chimbwamupengo inoita zvisingatarisirwe, kusanganisira kupanduka zvekuve nehukasha hwakawandisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey