Kwayedza
CHINGWA chechimodho —vamwe vanochiti mupotohayi —chinogutsa, zvekare chiri nyore kubika sezvo zvekuchibikisa zvisingadhure.
Svondo rino Mai Aqueline Rujeko vanogara kuTriangle, kuMasvingo vanotsanangura mabikirwo echingwa ichi.
Zvinodiwa:
Upfu hwegorosi 180g ne¼ kapu yefurawa
Chidimbu cheteaspoon chebaking powder nechemunyu
100g yeshuga, zai, mvura nemajarini
Mabikiro:
Tora dhishi usanganise zviri pamusoro.
Pwanya zai rimwe chete wokanya nemugoti
kusvikira zvasangana uchidira mvura shoma-shoma.
Siya zvikore uye kana zvanyatsosangana wombokwidibira kweawa rimwe chete kuti zvifute nembiriso. Chitora poto kana pani woizorera majarini pasi.
Dira furawa yawakanya iya wogadzika muhovheni kwemaminitsi makumi maviri.
Kana usina hovheni, unogona kushandisa marasha anopisa ayo aunoisa pasi pepoto, mamwe pamusoro ari mukati memuvharo wepoto kana rata rakachena.
Kana chichinge chaibva, chimodho chinoonekwa nekutsvukirira.
Unogona zvakare kubaya pakati pacho nefoko uye kana ikabuda isina kunamira furawa, zvinoreva kuti chanyatsoibva zvose nemukati.Paunobura chimodho chako, chiise mundiro wochivhara kuti chisaomarara.
Chimodho chinodyiwa uchinwira-nwira svutugadzike, maheu kana zvimwe zvinwiwa.
. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281