‘Covid-19 hainei kuti mwaka upi’

18 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
‘Covid-19 hainei kuti mwaka upi’

Kwayedza

Tandayi Motsi naTalent Gore

MAFUNGIRO ekuti chirwere cheCovid-19 hachiparare zvakanyanya mumwaka wekupisa haazi echokwadi sezvo denda iri richisimuka chero nguva kana veruzhinji vakavarairwa panyaya yekuzvidzivirira.

Mashoko aya akataurwa naDr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet, vachiti zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera matanho ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

“Hapanai umboo hwesainzi hunoratidza kuti chirwere ichi chine chekuita nemamiriro emwaka.

“Tarisai chikamu chechipiri (second wave), chakanyuka mukupera kwaZvita kusvika munaNdira 2021 – pakati chaipo pemwaka wekupisa.

“Chikamu chechipiri ichi chakazopera nekuda kwekuti Hurumende yakasimbaradza matanho ekudzivirira Covid-19 uye nharaunda dzakatevedzerawo zvaidiwa, kwete nekuti pakange pave nemwaka mutsva,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti Hurumende inofara zvikuru nekudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere ichi.
Dr Mahomva vanoti izvi zviri kukonzerwa nematanho ari kutorwa neHurumende ekurwisa denda iri.

“Tinofara zvikuru kuti huwandu hwevari kubatwa uye nekufa nedenda iri huri kudzikira. Ndinoti mushure mekunyuka kwechikamu chimwe nechimwe chedenda iri, nharaunda dziri kutevedzera zvinodiwa izvo zviri kuita kuti chirwere ichi chiderere.

“Asi zvinoshungurudza ndezvekuti vanhu vanozovarairwa kana huwandu hwadzikira saizvozvi, voshaya hanya uye todzokera zvakare pataimbove apo huwandu uhu hunotanga kukwira potorwa matanho matsva kusvikira maitikiro acho rave denderedzwa chairo.

“Kunyangwe huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nechirwere ichi hukadzika, tinofanirwa kuramba takangwarira panyaya yekuzvidzivirira,” vanodaro.

Dr Mahomva vanoti zvakakoshawo kuti vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri vabaiwe.

“Tinoda kuti nyika ive yakadzivirirwa, chikamu che60 percent kana kudarika chevanhu vose vari munyika vanofanirwa kubaiwa uye kana zvikadaro zvichaita kuti pave neshanduko panyaya yevanhu vanenge vachibatwa nechirwere ichi.

“Tichatarisa nezvematanho matsva atichatora kana nyika yadzivirirwa kubva kudenda iri. Pari zvino nyaya huru ndeyekuti vanhu vakawanda vabaiwe nhomba,” vanodaro Dr Mahomva.

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 232 213 vange vawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa kubvira pakatanga denda iri munaKurume 2020.

Pavarwere ava, 224 191 vakatopona asi vamwe 5 379 vakafa.

Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 4 322 792 vange vabaiwa nhomba yekutanga (1st dose) apo 3 353 554 vange vabaiwa yechipiri (2nd dose).

Vamwe 89 659 vange vabaiwa yechitatu (bootser).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey