‘Covid-19 yatipa chidzidzo’

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
‘Covid-19 yatipa chidzidzo’ Petros Mhari

Kwayedza

Abel Ndooka
MUBATI wepagedhi wechikwata chenhabvu cheFC Platinum, Petros Mhari, anoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 kwamupa chidzidzo chikuru chekuti zvakakosha kuti vatambi varongere ramangwana ravo kwete kumirira kurarama nekutamba bedzi.

Pari zvino mimwe mitambo yakambomiswa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 iyo inokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus.

Achitaura ari kumba kwake kuZvishavane svondo rino, Mhari anoti kumiswa kwakaita mitambo – kunyanya nhabvu iyo inomuraramisa – chidzidzo kwaari kuti anofanirwa kurongera remangwana rake kuburikidza nekuita mamwe mabhindauko.

“Kuuya kweCovid-19 hakuna kunaka asi ichi chidzidzo kwandiri nevamwe vatambi venhabvu, kuti tinofanirwa kurongera remangwana redu nekuti hatizive kuti tiri kuendepi. Isu tairaramiswa nenhabvu bedzi asi zvino hatisi kutamba. Saka tinotofanirwa kutomira-mira kuita tumabhindauko tunounza mari tuchitiraramisa,” anodaro Mhari.

Mhari, uyo anova ndiye akatungamirira Pure Platinum kuhwina mikombe mitatu yeCastle Premiership yadarika, anokurudzira vamwe vatambi kuti vachengetedze miviri yavo yakagwinya kuburikidza nebasa ravari kupihwa nevarairidzi vavo apo vagere kudzimba.

“Sevatambi, tine magwaro atakapihwa ekuchengetedza miviri yedu yakasimba ayo tinotevedzera saka ndiwo atiri kushandisa tiri kudzimba zuva nezuva.

“Mumwe nemumwe ane zvake zvaakanzi nevarairidzi atevedze. Saka svondo rega-rega tinoendesa magwaro aya kuvarairidzi kuti vaone basa ratinenge taita.”

Anoenderera mberi achiti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu sezvo uri iwo unomuunzira “chingwa chine majarini patafura”.

“Nhabvu ndiyo upenyu hwangu uye kana ndisingatambe hazvindifambire nekuti ndiyo inondiraramisa – ndiko kunobva chingwa.

“Patinotamba paye, tikahwina mitambo tinopihwa mabhonasi saka imari yakanaka chose inotiraramisa iyoyo. Zvino kana tisingatambe zvinhu zvose hazvifambe zvakanaka,” anodaro.

Mhari anoti zvakakosha panguva ino kuti vanhu varangarire vamwe vanotambudzika nekuvabatsira nepashoma pavainapo.

“Hatizi tose tinowana muupenyu saka ngatibatsirei vamwe vari kutambudzika. Ini ndikasangana nevanhu vakandikumbira kana masiki chaiyo, ndinongobatsira nekuti hatisi tose tiri kukwanisa kutenga mamasiki. Masiki yakakosha chaizvo mazuva ano uye inobatsira munguva yatiri yeCovid-19,” anodaro Mhari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey