Distin obva kuBournemouth

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Distin obva kuBournemouth

Kwayedza

SYLVAIN Distin mumwe wevatambi vatanhatu vachabva kuchikwata cheBournemouth icho chinokwikwidza muPremier League zvichitevera kupera kwemakondirakiti avo.

Distin (38) — uyo akambotambira Everton neManchester City — anga ari kuchikwata ichi kwemwaka mumwe chete zvichitevera kubva kwaakaita kuEverton mugore ra2015.

Chizvarwa chekuFrance ichi chakatanga mitambo mipfumbamwe chete kumaCherries mumwaka waange achingokuvara pose-pose.

Mubati wepagedhi Ryan Allsop (23), uyo akapedza nguva ari kuWycombe nePortsmouth mwaka uno nechikwereti, akasaina kondirakiti yemakore maviri kuchikwata ichi kusvika mugore ra2018. Bournemouth yakazivisa zvakare kuti Stephane Zubar, Josh Carnimachael, Josh Wakefield, Mason Walsh naJohn Muleba ndivo vamwe vachabva kuVitality Stadium pamwe chete naDistin. — BBC Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey