‘Futi futi wakandipfimba ndikakuramba’

12 Jun, 2019 - 16:06 0 Views
‘Futi futi wakandipfimba ndikakuramba’

Kwayedza

Tatenda Shuro
MURUME wekuStoneridge, muHarare – uyo wekumhan’arira mukadzi anova muvakidzani wake kudare achiti ari kumushungurudza – akazoshaya pekupinda mushure mekufumurwa kuti ainge amupfimba ndokurambwa zvikaita kuti amutyisidzire achiti anoda kumupisira mumba.

Ronald Mazhawidza akamhan’arira Shylet Chikova kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo.

“Mambo wangu, amai ava vanoti vakatukana nevana nemukadzi wangu, vanotanga kundipomera mhosva zvekutoti izvozvi nemudzimai wangu hatichawirirana nokuda kwavo. Vanotuka vana vangu kuti pfambi apa tiri vavakidzani,” anodaro Mazhawidza.

Anoenderera mberi: “Vanondituka kuti tiri zvigure kumba kwedu saka ndinoda dare rindibatsire amai ava vamiswe kusvika pamba pangu.”

Chikova anoti haana dambudziko nechikumbiro chaMazhawidza.

“Handina dambudziko nechikumbiro chavo asi baba ava ndivo vakatondipfimba ndikavaramba vakati ukaramba uchindiramba ndichakupisira mumba. Vanonditi ndiri pfambi uye muroyi. Tatove nemavhiki maviri nyaya iyi yaenda kunotongwa nevakuru vemusha weStoneridge, Mr Gohori, yekundityisidzira vachitora mukana wekuti ndinogara ndoga nevana vangu murume wangu ari kubasa,” anodaro.

Vachitaurawo semufakazi, Mr Gohori, vanoti vakaedza kuyananisa Chikova naMazhawidza kaviri kose asi zvakakona.

“Ndakaedza kugadzirisa nyaya yavaviri ava kaviri chaiko, nyaya iripo ndeyekuti vanogarotukana, saka ndaiedza kuti vawirirane. Amai ava ndivo vaiuya vachimhan’ara hanzi baba ava vanouya kuzogugudza gonhi ravo pakati pohusiku uye vanovarambidza kuridza redhiyo yavo kumba kwavo hanzi vanoita ruzha,” vanodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaMazhawidza achiti ndiye ari kutoshungurudza Chikova.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey