Gara wavhika chirwere, baisai vana nhomba

14 Jun, 2023 - 21:06 0 Views
Gara wavhika chirwere, baisai vana nhomba Mwana ari kudzivirirwa polio – Mufananidzo Xinhua News

Kwayedza

Catherine Murombedzi

ZIMBABWE haisi kudzora tsvimbo panhau yekurwisa nekukunda dambudziko repolio, mhezi nezvimwe zvirwere zvose zvinodziviririka. Usazoyeuka bako waniwa, gara wadzivirira mwana wako kuzvirwere zvinobata vadiki zvinoti gwirikwiti, mhezi, chikosoro cherurindi, manyoka, polio nemahumunya.

Vatsigiri vezvirongwa zvevana vesangano reUnited Nations Children’s Fund (UNICEF), vakabatana nesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO), vakava necherechedzo inoitwa muAfrica kwesvondo rose yekudzivirirwa kwezvirwere zvevana, African Vaccination Week, iyo inoitwa svondo rekupedzisira remwedzi waKubvumbi.

VeUNICEF neveWHO vanorumbidza Zimbabwe nenhanho dzairi kufamba mukugara yakavhika zvirwere izvi.

VaMaxwell Rupfutse, vesangano reWHO, avo vanoona nezvedziviriro, vanoti vanofadzwa nedanho rafambwa neZimbabwe kusvika pari zvino.

“Tinofara kuti kwava nenyika dzakatopedza dambudziko repolio, Zimbabwe yatovewo pedyo kusvika muchikamu ichochi,”  vanodaro VaRupfutse.

MunaGumiguru wegore rapera, chirwere chemhezi dzegwirikwiti chakanyuka muZimbabwe, chichitangira nekuManicaland ndokupararira kumatunhu mazhinji.

Gwirikwiti rakanyanyobata vana vasina kugara vakabaiwa nhomba, vazhinji vavo vanove vechitendero chenguwo chena.  Kuburikidza navanaMbuya nanaSekuru Utano kumatunhu, chirwere chakakasika kuziviswa, veutano vakakunya kurwisa denda iri.

“Takava nechirongwa chekudzivirira vechidiki vari pasi pemakore mashanu munyika yose, mumakiriniki, zvipatara uye neveutano vaifamba mudzimba. Dunhu riri kuchamhembe kweAfrica rakaona vana vamwe vobatwa nepolio. Zvadai, tinodzokorodza kupa mwana wose mushonga, chero akambopiwa, kuitira kusunga pangave pakapotseka,” vanodaro VaRupfutse.

Veruzhinji vanoziva kubaiwa dziviriro kuri kwevana vane makore mashanu zvichidzika. Mambure edziviriro munguva yeCovid-19 akatandira wose aive nemakore 18 zvichikwira. Mambure akazodzikiswa onhanhira vaive negumi remakore nemaviri (12) ekuberekwa.

“Kune zvirwere zvinosvika makumi matatu nezviviri (32) zvinogona kudzivirirwa. Tine mishonga mizhinji yatinokurudzira kuti ishandiswe pakurwisa zvirwere izvi,” VaRupfutse vakaudza vatori venhau.

Pakudzivirira, muviri unowana kakuvhundutswa nechirwere chakagadzirwa zvine mwero nenyanzvi, zvekuti chirwere pachinozobata, muviri unobva wachiziva chichiri kumusuwo, chorwiswa nekuti mhandu inenge yanyangira yaona.

Pachirungu vanoti, “prevention is better than cure”, kureva kuti avhika amire arwa.

VaRupfutse vanozivisa zvakare kuti chirongwa chekudzivirira gomarara remuchibereko kune vechidiki, vasati vaziva varume, chichaenderera mberi muzvikoro.

“Vasikana vane makore gumi nemaviri zvichidzika, mugore ra2018 na2019 vakabaiwa Human Papiloma Virus (HPV) kuvadzivirira kugomarara remuchibereko. Chirongwa ichi chichasimudzirwa zvakare,” vanodaro.

Chakanakira dziviriro ndeichi, semunhu ari kufamba kunonaya, unofuga sumburera kana kupfeka renikoti. Hazvirevi kuti haunaiwi, asi chikuru ndechekuti hautoti.

Dzivirira mwana wako mudiki kubva kupolio iro svondo rino, veutano varimo mundima zvakare.

Dziviriro utano, usasaririre, hapana muripo unobhadharwa. #Dziviriro yose, mahara #Kufuga kana kuwarira, zviri kwauri.

. Ngatikurukureyi pano:: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey