Uncategorized

Harahwa isingapfeke hembe

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Harahwa isingapfeke hembe

Kwayedza

Inongomonera zijira jena
Ichigara mugomo rinofema

UNGAGONE here kurarama usingabate mari, kunwa svutugadzike, kudya sadza rehupfu hwechibage uye pakufamba nzendo refu usingakwire bhazi kana motokari asi uchifamba netsoka bedzi?Uhu ndihwo upenyu hunoraramwa nemumwe musharukwa anogara mumupata wegomo kumasango ekuUzumba, kuMashonaland East.

Sekuru Hombiro Makicheni Mutanha (107) – avo vanozivikanwa nevagari vekwaMambo Nyajina nezita remadunhurirwa rekuti “Nhadziso Kasumba” – mumwe wevanhu vari kutevedza chivanhu kuburikidza nemudzimu unobuda pavari.

Sekuru Hombiro, vemutupo weHumba Nguruve Makombe, vanobva kuMozambique uye vanozivikanwa nekunaisa mvura, kuchengetedza ivhu nezviwanikwa, kutungamira kuvigwa kwemadzimambo emudunhu iri nezvimwewo zvinoda chivanhu.

Kwayedza yakashanyira sekuru ava panzvimbo yavanoti “musha” iyo iri pamupata wegomo, pedyo nenzvimbo yemabhizimusi yeMutawatawa.

Musha uyu wakavakwa sezvaiitwa pachinyakare, dzimba dzose dziri dzemapango nedhaka dzine matenga ehuswa.

Sekuru Hombiro, avo vasingapfeke hembe, vakawanikwa vakangozvimonera nejira jena izvo zvinonzi ndizvo zvinodiwa nemudzimu unosvika pavari.

Vanotanga nekutsanangura mararamiro avo ayo akasiyana nevamwe, izvo zvavanoti ndizvo zvinodiwa nesvikiro rinobuda pavari.

Gomo rinovigwa madzishe.

Gomo rinovigwa madzishe.

“Ini pano ndakamirira kukumbirira vanhu kuti mvura inaye, ndinoita kuti masango asaparadzwe – zvikuru nevanochera goridhe.

“Asi ukauya uchida kunoribata goridhe racho ini ndakupa maitiro acho, unonoriwana pasina dambudziko,” vanodaro.

Sekuru Hombiro, avo vasinganyatsokwanisa kududza mazwi eShona zvakatsetseka, vanoti vakabva kuMozambique vachizogara kuUzumba apo vakatumwa nesvikiro riri pavari kuzogadzirisa matambudziko nechivanhu chemudunhu iri.

Vanotizve vanotungamirira pakuitwa kwemukwerera, mapira, kutevedzwa kwezuva rechisi nekurambidza makunakuna pamwe nekuona nezvekuvigwa kwemadzimambo.

“Madzimambo ekuno anovigwa muninga dzemugomo reMarowe umo ndinovatungamirira ini sasahwira wemuno asi ndiri mhondoro. Mitumbi yemadzimambo aya inotanga yasasikwa isati yavigwa uye homwe dzemasvikiro edunhu rino kana vafa vanovigwawo muninga idzodzi nevamwe vakuru vemuno,” vanodaro Sekuru Hombiro.

Kunze kwazvo, vanoti ndivo vanochengetedza nzvimbo dzinoyera mudunhu iri segomo reChawazumba, iro ravanoti rinofema zvinotoonekwa nevanhu pamupata une miti inooneka ichisimuka nekudzikira zvinoratidza kufema kwacho.

Sekuru Hombiro nemadzimai avo

Sekuru Hombiro nemadzimai avo

“Gomo reChawazumba pane murungu akambouya kuno akaedza kupinza ruwoko rwake mumwena uripo pacho parinofema napo. Akazoruburitsa rwaoma kuita sechimuti akazobva kuno akadaro kudzokera kunyika kwake sezvo akanga ashanya.”

Sekuru Hombiro vanotiwo gomo reMukuranepamaenza rinozivikanwa nekuwanikwa goridhe rakawanda zvikuru asi vanoda kunoritsvaga vanotofanirwa kutanga vakumbira kuti vanorichera apo vanoenda nezvambwa zvefodya kwavari vonopetera.

Pamusha pasekuru ava pane dzimba dzehuswa dzakawanda idzo dzinogarwa nevarwere kana vanoda kubatsirwa mune zvakasiyana. Dzimba idzi dzinonzi dzinomirira masabhuku ose emudunhu iri.

Musharukwa uyu anoti haadye sadza rehupfu hwechibage asi rezviyo, mhunga, nemapfunde neremupunga.

“Handidye sadza rechibage nekunwa svutugadzike kana kudya shuga, ndinonwa mahewu ezviyo uye handikwire motokari kana kubata mari.

“Izvi ndizvo zvinodiwa nasekuru vari pandiri, zviyo ndinorima ndoga nemapfunde acho,” vanodaro.

Sekuru Hombiro vane madzimai maviri anoti Merjury Rupiya (80) naEunice Kademeteme (83) avo vanoti hapana chinotyisa kugara nesvikiro iri.

“Murume wedu tinogara zvakanaka zvikuru tichitevedzera zvinodiwa nemhepo (mudzimu) iri pavari,” vanodaro Mbuya Rupiya.

Mashoko avo anotsinhirwa naMbuya Kademeteme vachiti chinongodiwa kwavari kutevedza mhiko dzakatarwa.

“Pano panogadzirwa midzimu yakatengwa kana yakadyiswa mbanda ichiita zvakanaka. Dzimba dzamunoona idzi dzinogara vanhu vanoungana pano,” vanodaro.

Mumwe mugari wemudunhu iri, VaKurauone Mutanda, vanotsinhira magariro esvikiro iri vachiti zvinoratidza kuremekedzwa kwechivanhu.

“Madzimambo edu ose anovigwa nemhondoro iyi. Pane vanokwana 14 vakatovigwa navo kare vanosanganisira veNyanhehwe, Nyahuma, Kawoko, Chikuwe, Chikoso, Nyajina, Manyika, Mutswe, Dyora naRazaro,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey