Uncategorized

‘Hazvikone, Mwari vari kuuya muno’

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wemuHarare uye, wekuti akaenda kudenga kaviri akanoita musangano naMwari mbune, ndokuti zvakare Mwari vachashanyira Zimbabwe musi wa20 Gumiguru — chinova China chesvondo rino — anoti mashoko ake ari kuzozadziswa.

Prophet Talent Madungwe (30) wechechi yeExile Desire of All Nations Ministries iri mumusha weSunningdle, akaudza Kwayedza nemusi weChitatu svondo rino kuti haazi kudzokera shure achiti atogadzirira kuuya kwaMwari.

“Ndakavimbisa kuti Mwari vari kuuya anova mashoko andisingasandura. Ichi ichokwadi, Mwari mbune vari kuuya, ndiri kusangana navo mangwana (China). Nguva dzavachasvika handina uye kuti tichasangana kupi handisati ndaziva.

“Kwandiri ‘it’s a normal day (izuva rakangofananawo nemamwe)’. Ivo vachauya kwandinenge ndiri, kunyangwe ndafamba, kunyange ndiri pamba kana kuti ndichinamata. Asi mangwana (China) ndichapedza nguva yangu zhinji ndichinamata,” anodaro Prophet Madungwe.

Anoti paari kuonana naMwari haazive kuti pane vamwe vachakwanisa kuvaonawo here.

“Izuva guru mangwana (China) muZimbabwe sezvo mukuru Musikavanhu, Mwari Nyadenga vari kuuya muno. Vachavinga ini mbune handizive zvevamwe. Ndakambovashanyira kudenga kaviri tikanotaura saka hazvishamise kuti vauye kwandiri.”

Kubva pakaburitswa nyaya yemuporofita uyu kekutanga muKwayedza chipo chemwedzi miviri yadarika, vamwe vakuru vemachechi neveruzhinji vari kumushoropodza vachiti murwere wepfungwa. Asi vamwewo vanoti vanhu ngavamire vatange vaona kuti zvaanotaura zvekushanya kwaMwari muZimbabwe zvichaitika here kana kuti kwete.

Zvino zuva rakataurwa naProphet Madungwe rasvika. Vanhu vachada kuona zvinoitika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey