Hurumende yorwisa bilharzia

20 Jul, 2023 - 10:07 0 Views
Hurumende yorwisa bilharzia Makonye anokonzera bilharzia

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana nemapoka akasiyana kurwisa zvirwere zvisiri kunyanya kucherechedzwa munyika asi zvichitambudza veruzhinji zvakadai sekuzvimba makumbo (elephantiasis kana kuti lymphatic filariasis) uye bilharzia iro rinodaidzwa kuti schistosomiasis.

Mapoka aya anosanganisira nyanzvi dzinoita ongororo mune zveutano dzeLancester University, sangano reWorld Health Organisation (WHO), HigherLife Foundation International nevamwe vatsigiri uye svondo rino vari kuita musangano wemazuva matatu muguta remuHarare wekunzvera maringe nezvirwere izvi.

Zvirwere izvi zviri kuonekwa zviri kunyanya kubata madzimai nevanasikana nevana vachiri pamazera ekuenda kuchikoro zvichitevera mabasa avanoita anorerekera mukubata ivhu nemvura isina kuchena.

Dr Munyaradzi Dobbie, avo vanova principal director wePublic Health kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti dambudziko rezvirwere izvi richakakura munyika.

Dr Dobbie

“Chikamu che35 percent chevanhu vari munyika chiri kufanira kuwaniswa mishonga yekurwisa chirwere chebilharzia pasi pechirongwa chekudzivirirwa kwevanhu munyika (Mass Drug Administration). Saka pari zvino tiri kuita ongororo kuti tione hudzamhu hwechirwere ichi uye matunhu kana kuti nzvimbo dzachiri kunetsa,” vanodaro.

Dr Dobbie vanoti zvirwere zvakadai sebilharzia zvinodziviririka nyore kana vanhu vakashandisa zvimbuzi nemazvo pane kuitira tsvina pachena uye kuwaniswa kwemvura yakachena kune veruzhinji sezvo makonye anokonzera achiwanikwa mumvura ine tsvina umo munogara hohozhwa kunyanya.

“Madzimai nevanasikana ndivo vanonyanya kuita mabasa emaoko sekudiridza magadheni, kuwachira munzizi, kuchera mvura mumatsime yekushandisa mumabasa emudzimba, pakati pezvimwe, apowo pwere dzinoenda kurwizi kunotuhwina mumadziva asina kuchengetedzeka.

“Makonye anokonzera bilharzia ari nyore kupinda mumiviri yavo panguva iyi uye anobereka mazai akawanda nokudaro munhu anenge ava nebilharzia ane mikana yekutapurira vamwe apo anorasira mvura kana kuita tsvina pachena. Nzira huru yekupedza dambudziko rezvirwere izvi kuchengetedza hutsanana,” vanodaro.

Dr Dobbie vanoti zvirwere zvisinganyanye kucherechedzwa izvo zviri muchikamu cheNeglected Tropical Diseases (NTDs) zvinosanganisira chimbwamupengo, tungundu, maperembudzi, scabies nechekukotsira pese-pese (sleeping sickness).

“Tichifambirana nehurongwa hweHurumende hwekurwisa zvirwere izvi cheWHO NTDs Road Map 2021-30, tine chivimbo chekuti tichakunda mukuzvirwisa kana tikawana rutsigiro rwemari rwakakwana. Basa iri rinoda mukomberenwa nokudaro panoda varapi vane hunyanzvi vakakwana uye zvekushandisa mukoronda nzvimbo dzine zvirwere izvi. Tinofara kuti zvirwere izvi hazvisi kukonzera ndufu dzakawanda,” vanodaro.

Dr Dobbie vanoenderera mberi vachiti: “Chirwere cheElephantiasis chinokonzera kuremara kweupenyu hwese zvinoita kuti vanhu vanotambudzwe nacho vakundikane kuita mabasa anounza budiriro munyika.

Izvi ndezvimwe zvezvirwere makumi maviri zviri munyika zvisiri kucherechedzwa. Zvirwere izvi zvakaonekwa nesangano reWHO uye zviri kutambudza vanhu vanodarika bhiriyoni pasi rose, zvikuru vari munharaunda dzinonetseka uye dzine mamiriro ekunze anopisa anoita kuti makonye aya awane mikana yekubereka zvakanyanya.

“Nzvimbo idzi muZimbabwe dzinosanganisira South East Lowveld, kuChiredzi, Triangle, Hippo Valley uyewo mumaguta umo muchiri kushandiswa zvimbudzi zvemhando yeblair toilets kwakadai sekuEpworth, Hatcliffe nekuChitungwiza.”

 Dr Innocent Hove, vanova Director National Institute of Health Research (NIHR), vanoti vanhu vanodarika 5 miriyoni munyika vari panyatwa yekubatwa nezvirwere izvi nokudaro vanofanira kudzivirirwa nenguva.

Dr Hove

“Kuburikidza neongororo yatakaita, takaona kuti vanhu vanosvika 5 325 609, kureva kuti chikamu che35,6 percent, vanofanira kudzivirirwa. Tichange tichivheneka nekurapa vanhu kuti tichengetedze upenyu. Chirwere chebilharzia chinokonzera kuparara kweduriro rinorasa mvura kana chikanonokerwa uye munhu anorasa mvura yakasangana neropa.

“Kumadzimai, chinogona kukanganisa chibereko zvinoita kuti munhu apedzisire ava kuita nhumbu yemumachubhu (ectopic pregnancy) kana chichinge chanonoka kurapwa. Zvekare mikana yekutapurira kana kutapurirwa hutachiona hweHIV inowanda zvichitevera kuparadzwa kunenge kwaita mitezo yesikarudzi nemakonye aya,” vanodaro.

Mumakore adarika, Hurumende yanga ichifambisa chirongwa chekudzivirira uye kurapa vanhu vanotambudzwa nezvirwere izvi ichitsigirwa nesangano reHigherLife Foundation International kusvika nhasi uno.

Dr Kennedy Mubaiwa, vanova chief executive officer weHigherLife Foundation International, vanoti donzvo ravo nderekuchengetedza upenyu hwevanhu uye vacharamba vachitsigirana neHurumende mukurwisa zvirwere izvi.

“Kana vana vechikoro vakabatwa nechirwere chebilharzia, zvinoreva kuti muzvikoro havabudirire nekuti vanenge vachirwara, kunyangwe vanhu vakuru vanoda kudzivirirwa zvekare. Tiri kushanda pamwe nenyika dzakadai seRwanda, Kenya neEthiopia mukupa veruzhinji mishonga inouraya makonye (deworming) uye muZimbabwe chirongwa ichi chichatanga mutemu yechitatu zvikoro zvisati zvavharwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey