Uncategorized

Husiku ibofu, masikati anoona

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Husiku ibofu, masikati anoona

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, murume wekudunhu raMambo Svosve, kuMarondera, anoti anoita bofu husiku hwoga-hwoga, asi kukangoedza chete, anobva atanga kuona zvakanaka.

VaIan Nyahuye (45) vemubhuku raTinapi vanoti vashaya zvekuita nedambudziko iri.

Pavakashanyirwa neKwayedza pamusha pavo nguva ichangodarika, vaitoona uye zvaisamboratidza kuti vane dambudziko rekupofomara maziso.

“Masikati ndinoswera zvakanaka ndichiona mushe, panongokwana 5 zuva rodoka ndinobva ndatanga kusaona zvigoramba zvakadaro dakara zuva rechimangwana racho. Asi panosvika 5 mangwanani, ndinobva ndatanga kuona zvakare,” vanodaro VaNyahuye.

Vanoti dambudziko iri rakatanga apo vaiva mudiki uye vabereki vavo vachiri vapenyu.

“Dambudziko iri ndave kutochembera naro, rakatanga ndiri mwana mudiki ndisati ndave kuenda kuchikoro ndichiti ndikaenda panze husiku ndaigumisira ndave kutadza kuona musiwo wandambobuda nawo. Ipapo amai nababa vaifamba kwakasiyana vachitaurirwa kuti pane nyoka yehuroyi yaindinanzva,” vanodaro.

Vanoti vabereki vavo vakagumisira vashaya dambudziko iri risina kupera.

“Zvino zvandava nherera kudai ndichazvikwanisa here kunyangwe ndiine vakoma nevanin’ina varipo? Ivo vanotovawo nematambudziko avo kare,” vanodaro.

Murume uyu anoti akabvakacha anotokurumidza kudzokera kumba kwake kunze kwakachena nekuti dzikangokwana 5 zuva rodoka, haachakwanisa kufamba oga sezvo anenge ava kuda kutungamirirwa nevamwe vanhu akabatwa ruwoko.

“Ndikabvakacha, ndikangoona nguva dzave kuma 4 zuva rodoka, ndinenge ndava kutotsvaga kwekurara nekuti ndinoziva kuti ndinozogumisira ndanowira munzizi kana mumatsime ndisisaone kwekuenda.”

VaNyahuye vanoti vanogara vachiona tumoto tutatu tunotenderera mumaziso avo kunyangwe kunze kwakachena.

Murume uyu — uyo akaroora uye ane vana vatatu — anoti akavanzira mudzimai wake dambudziko iri apo akamuroora uye akazozvionera oga vatova kugara vose.

“Ndaitya kuti ndikazivisa mukadzi uyu apo taiva mukomana nemusikana aizondiramba sezvo vamwe vasikana vemunzvimbo yedu vainditya nekuda kwenyaya iyi — vanhu vakawanda vaizviziva kuti ndinonzi ndinonanzwa nenyoka,” vanodaro.

VaNyahuye vanoti kwavanofamba kudzin’anga nemaporofita vanoudzwa kuti dambudziko iri rinobva kuhama dzavo.

“Mukoma wangu, Canaan Nyahuye, ane dambudziko rakafanana nerangu zvisinei kuti haazoita bofu seni — anoonera kure husiku asi masikati achiona zvakanaka. Baba vedu VaJack Nyahuye naamai vedu Victoria Madzongwe vakafa makore akatevedzana vakatisiya tiine matambudziko aya,” vanodaro VaNyahuye.

Vanoti nekuda kwedambudziko iri, havakwanise kuzvishandira basa ravo rekuvaka izvo zviri kupinza nzara mhuri yavo.

Mudzimai wavo, Mai Emily Sengweni (29), vanoti vane dambudziko guru nemurume wavo nguva dzehusiku apo vanobuda naye panze kunozvibatsira vakatomubata ruwoko.

“Akandivanzira paakandiroora kusvikira ndakazozviziva tave kugara tose. Zvakandirwadza asi handina kumuramba nekuda kwaizvozvo. Nyaya huru ndeyekuti tinodawo kubatsirwa chete kuti zvipere. Shuwa anorara ari bofu ofuma achiona,” vanodaro.

Godobori VaPatrick Kapfunde (50) kana kuti Sekuru Bhaureni vekuMt Darwin vanoti murume uyu ari kushandiswa nezvehusiku.

“Nyaya iyi inotoda kuti murume uyu nemhuri yake vabatsirwe zvisati zvasvika pakaipa nekuti achaguma asisaone kana nemasikati acho,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0784 492 280.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey