Huwori munhabvu bodo: Katsande

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Huwori munhabvu bodo: Katsande

Kwayedza

KAPUTENI wechikwata chenyika chemaWarriors, Willard Katsande, akashora zvikuru huwori hunonzi huri kuitwa munhabvu zvichitevera kubuda kwakaita nyaya yekuti pane vamwe vaironga kutengesa mitambo yemaWarriors miviri yeAfcon apo achasangana neSwaziland masvondo ari kutevera.

Parizvino nhengo yebhodhi reZifa, Edzai Kasinauyo, akambomiswa basa uye ari kuongororwa pamwe chete neaimbove chamangwiza weZifa Henrietta Rushwaya uye naIan Gorowa uyo akamborairidza maWarriors pamwe naNation Dube aimbove mutevedzeri waCallisto Pasuwa.

Nyaya iyi iri kubata vamwe vatambi zvakare vanotambira kuSouth Africa vanoti Partson Jaure naGeorge Chigova avo vanonzi vakabhadharwa mari kuti vatengese mitambo yezvikwata zvavanotambira.

Katsande anoti chikwata chavo chiri kugadzirira kupinda mumitambo miviri neSwaziland iyo yakakosha zvikuru mukurwira tiki rekuenda kunokwikwidza kuAfcon 2017 kuLybia.

MaWarriors akakwanisa kuhwina mitambo miviri iyi anobva aenda pamusoro peboka ravo uye anenge ave nemukana mukuru wekubudirira kuenda kuLybia.

“Takagadzirira kupinda mumitambo miviri iyi neSwaziland uye takazvipira kutamba kuti tigohwina. Chishuvo chedu kuenda kunokwikwidza kumitambo yeAfcon 2017 iyo ichatambirwa kuLybia.

“Huwori haudiwe munhabvu yedu, hwakashata zvikuru. Nyaya ichiri kuongororwa saka ngatimirire tinzwe zvichabuda muongororo yacho asi kwandiri zvekutengesa mitambo handimbozvitambire, handidi kutonzwa nezvazvo,” akadaro Katsande.

Svondo radarika, mutungamiri weZifa, Phillip Chiyangwa, akati vari kuongorora vatambi vakasiyana vakasvibiswa mazita avo nenyaya iyi uye kana vakabatwa nemhosva vachanyorera zvikwata zvavo zvekuSouth Africa kuti vadzoswe kumusha.

“Hatisi kuita zvekutamba nenyaya iyi kana tapedza ongororo yedu tichanyorera kuSouth Africa kuti vakomana ava ngavadzoke kumusha, batai vanhu, ngavadzoke kuzokanga waya.

“Isu tiri kuedza kuvaka nhabvu yedu kuti isimukire sezvayakaita kuMexico, Spain, England neGermany asi vamwe vanhu vari mushishi kushanda kuiparadza aiwa zvino vairasa,” akadaro Chiyangwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey