Uncategorized

Idya nyama asi usadyiwe nenyama

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
ARIPO mazuva ekuti unomuka usingade kumuka. Unomuka wakakumuka mabhaudhi zvekuti unonzwa muviri wako uchikuti, “Ichokwadi kunze kwayedza, asi imborara kwemaminetsi 15 chete.”

Neniwo ndinombosangana nawo mazuva akadaro, asi ndinoramba kutumwa nenyama kuita zvinhu zvandinoziva kuti zvinondipfekedza mamvemve ekukundikana.

Muviri wangu unoti “rara” asi iko kunze kwayedza. Kana ndikaita zvinorehwa nemuviri wangu ndinenge ndagona chii? Munhu haana kusikirwa kuti arare kusvikira muviri wake wave kurwadza nekurara.

Nguva ichauya yekuti muviri ucharara kusvika waora mukofini, asi iko zvino muviri ngaushande, urege kukuverengera newspaper renungo. Usatumwe kugara iwe uchifanirwa kufamba nekuti kune vamwe vakaremara vari kutoti, “dai ndiine makumbo”.

Jesu akati kuna John 6:63, “Nyama haina chainobatsira.” Saka kana nyama isina dhiri sei tiri kuirega ichitiitisa? Asi Jesu ndiye musiki wedu, kana ukanzwa munhu akagadzira chinhu achikuudza kuti chinoshanda nenzira yakadai, asi usachiitise izvi nezvozvo, unofanira kuti uteerere.

Nyama inotiitisa zvinhu zvakawanda zvisiri nungo chete. Nyama ine nhafu. Nyama inoshaisa hope ichida kutonga.

Nyama inogona kukuudza kuti pfeka usiye nyama pachena kuti vanokuona vagomedzera mate. Asi nyama inomedzerwa mate ndeiri paBraai stand. Nyama yemunhu ikamedzerwa mate inowana vaichadzipa vachida kuidya. Nyama inokunetsa kuti uitengere mafuta, newivhi, nehembe asi haigutsikane. Inoramba ichitsvaga zvimwe.

Kana Jesu akati “nyama haina maturo,” ngatitsvagei kuti saka zvine maturo ndezvipi tisati tafurirwa kuti titeerere nyama asi tichizoora nekunhuwa.

Nyama inoshereketa pamwe chete nekuganhira. Haizive nzvimbo yayo kunge jongwe rinodya nenhiyo. Mumunhu pfungwa ndidzo dzine basa rekufunga, asi unoona nyama ichimhanya kunokutuma kufunga. Asi zvese zvinofungwa nenyama hazvigare nekuti zvabva kumutezo usiri iwo.

Nyama inokutuma kuti udye, ugodya zvakapfurikidza mwero zvekuti unogona kutozorara usisina mufaro nekugutisa. Nyama inonyararidza pfungwa dzinenge dzichikuudza kuti “iyeye mukadzi wemunhu.” Nyama inongoti tiri kungotamba asi ndinokuudza pekugumira, asi wotozoona wagumirwa nekuti wadarika miganhu.

Jesu akati “nyama haina maturo,” uye mashoko mamwe chete iwaya akanzi muBhaibheri reChirungu “nyama haibhadhare.” Chinangwa chebhizinesi rega rega ndechekuita profit, kuita mari, asi kana bhizinesi risiri kubhadhara rinenge rave rekungopedza nguva nesimba.

Nyama haibhadhare nekuti inonyepa uye inoda kubhaiza ichimira pazvinhu zvekunyepa. Yellow bone kunyepa kwenyama nekuti munhu haasi kunze, asi mukati. Kusimba zvekuita mhasuru dzinenge pasuru kusimba kwekunze, kusimba chaiko kuri mukati.

Jesu paakataura kuti nyama haina maturo aitotiudzira zviri muzamanishoni. Chinhu chaakati chinoraramisa Mweya, uye akaziva kuti akasatsangura kuti mweya upi tinopinda bishi nemweya mizhinji iri kurarama panyika inenge mweya wekuzvida, mweya wekuonererwa, mweya wemakaro, mweya wekutya, mweya wechipfambi zvichienda zvakaro.

Mushure mekunge ati nyama haina basa, Jesu akatiudza kuti mashoko ake ndiwo anoraramisa. Asi nyangwe zvakadaro, tinongoona kuti hupenyu hwemunhu huri kudhiraivhiwa nenyama, nekunakirwa nezvenyama.

Jesu akataura zvinoraramisa, asi nyika inoda zvenyama inoti tsvaga pono uponde mweya, ushandise mashoko aJesu setishu.

Shamwari, idya nyama asi usadyiwe nenyama. Mukoma, musashandiswe nenyama, kana kushandisirwa nyama. Sister makatipirwa naMwari kuti hamurarame neChicken nemaChips ane Tomato Sauce, asi neShoko raMwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey