Juju iriko kunhabvu: Chunga ‘. . . asi hazvishande, kungorova vanhu nemusoro’

29 Mar, 2023 - 15:03 0 Views
Juju iriko kunhabvu: Chunga ‘. . . asi hazvishande, kungorova vanhu nemusoro’ Moses Chunga

Kwayedza

Abel Ndooka

NYAYA yejuju yatonetsa kunhabvu mazuva ano. Kunyanya mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yatanga saizvozvi.

Kune zvakawanda zviri kuitika kunhandare zvose nekuzvikwata zvenhabvu.

Hanzi vamwe vane zvavanomwaya kana kudyara munhandare kuti vakunde.

Vamwewo vanonzi vanoendesa mbatya dzevatambi kun’anga kana kumaporofita uko “dzinonobikwa” vasati vatamba mitambo yavo nezvimwe zvikwata.

Kunewo vatambi vanonzi kana iye akangotanga kunwisa bedzi, hakuna mumwe achazunguza mambure zuva iroro uye chikwata chavanotamba nacho hachidzosere.

Vabati vepagedhi havasiyane nematauru avo, rimwe rakazobvutwa nechisimba, chikwata chake chichibva chanwiswa ndokukundwa.

Kana mhiri kwemakungwa zvinonzi zviriko. Kune vhidhiyo rinotenderera apo mutambi weReal Madrid kuSpain, Vinicius Jose Paixao de Oliveira Jnr (Vini Jnr) anoonekwa achitambidzana nevamwe vatambi zvinhu zvinenge mushonga izvo zviri mubhodhoro vachozozora pachipfuva.

Vinicius Jr

Shasha yekuPortugal, Cristiano Ronaldo anoonekwa pane rimwe vhidhiyo apo aitambira nyika yake achitora zvinofungirwa kuti mushonga mubhurugwa rake, ndokukanda mukanwa achitori munhandare kuQatar World ya2023. Portugal yaitamba neGhana uye yakazohwina 3-2 Ronaldo anwisa pena.

Cristiano Ronaldo

Zvinoitika here izvi?

Shasha yakambonetsa munhabvu, Moses “Bambo” Chunga, anoti kushandiswa kwemishonga – iya inodaidzwa kuti “juju” – kuriko kunhabvu uye vanhu nezvikwata zvizhinji vanozviita kunyangwe zvazvo zvisina zvazvinobatsira.

Pasvondo rekutanga remwaka mutsva weCastle Premiership (PSL), maneja weDynamos FC, Richard Chihoro, akaonekwa achimwaya mvura nemagodo emunyu pagedhe reHwange kuBabourfields, kuBulawayo, pahalftime yemutambo wezvikwata zviviri izvi izvo zvakakatyamadzavanhu vaizviona.

Richard Chihoro

Mutambo wadzoka muchikamu chechipiri, Dynamos yakazonwisa ndokuhwina 1-0.

Izvi zvakaona Premier Soccer League (PSL) ichinyorera Chihoro tsamba ichimuzivisa kuti anofanirwa kumiswa pamberi pekomiti yePSL Disciplinary Committee kuti atsanangudze zvaakaita sezvo akasvibisa chimiro chenhabvu yemuno.

Chihoro achamira pamberi pePSL Disciplinary Committee nemusi wa5 Kubvumbi uye pari zvino akatemerwa zvirango nePSL zvekuti asatsike kunhandare dzenhabvu, asakwire bhazi reDynamos kana kuita basa rake rehumaneja kuchikwata ichi kusvika nyaya yake yapera kutongwa.

Chunga – uyo akaita mbiri achitambira Dynamos FC, maWarriors neEendracht Aalst yekuBelgium – anoti kune vanhu nezvikwata zvinoshandisa juju munhabvu asi anoti hazvishande nekuti mushonga mukuru waanoziva unohwinisa kushanda nesimba pamwe nekudya kune utano.

Anoti haashore vanoita zvejuju nekuti kune vamwe vanhu vanotenda mazviri.

“Mushonga uriko uye vanhu vanoushandisa munhabvu, asi hazvishande nekuti chinohwinisa munhabvu kushanda nesimba chete nekudya kune utano. Kana utano hwako husina kusimba chaizvo hapana bhora raunotamba saka unofanirwa kudya zvinovaka muviri.

“Ini mushonga wandaiziva kumhanya kuKopje uko nekushanda nesimba chete. Zvimwe zvose handizvitarire izvo,” anodaro.

Chunga anoenderera mberi achiti: “Nyaya iripo apa ndeyezvitendero chete, vanhu vane zvitendero zvakasiyana. Isu tiri zvizvarwa zvemuAfrica saka chitendero chevamwe vanoita zvejuju izvozvo nekudaro kuti tivashore zvinonetsa nekuti anogona kukuudza kuti iwe une chitendero chako ende chakasara saka zvinonetsa kuti tivashore.

“Munhu ndiye anoziva zvakamunakira nezvisina.”

Bambo anoti maonero ake nyaya yejuju iri pakutamba nepfungwa dzevanhu chete uye anomira nemashoko ake ekuti haishande kunhabvu.

Anoti kana vanhu vachiti juju inoshanda vanodii kuenda kunomira pedyo nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), mari yobuda mubhanga ichingopinda muhomwe dzavo vakangomira zvavo.

“Juju haishande, dai yaishanda ini ndingatoenda paRBZ ndongomira hangu pedyo, mari irimo yose yongobuda ichipinda muhomwe dzangu ndakangomira, nhamo dzangu dzose dzinobva dzapera ndoenda hangu kumudyandigere.

“Zvejuju zvingori mupfungwa chete, kutamba nepfungwa dzevanhu chete, asi hazvishande,” anodaro.

Mugore ra2017, Andrew Ayew wekuGhana akaonekwa achipinda munhandare achimwaya zvinenge hupfu (powder) zvisinganzwisisike apo chikwata chake chaigadzirira kusangana neZambia asi Ghana yakazokundwa mumutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey