Kababa kane makore 14!

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Kababa kane makore 14!

Kwayedza

NYAYA yakabuda muKwayedza svondo rakapera yekakomana kane makore 14 kekuZaka kakaitisa vasikana vaviri pamuviri ndiwo anonzi mahwani chaiwo pamutauro wemazuva ano!

Chii chiri kumboitika kuvana vedu? Tiri kurasika papi senyika? Ndiyo here nyaya yekuchecheudzwa iri kutaurwa nekakomana aka, kana kuti kwangovewo kuhumana?

Ko kana vana vachichecheudzwa, vanoudzwa kuti zviri kuitirwei here? Ko chii chatiri kuita isu vabereki? Tsika dzedu nehunhu zvakaenda kupi?

Nyaya iripo chaiyo sekuona kwangu ndeyekuti vanhu vazhinji tiri kuita vana, asi hatizive kuti vana vanoda kurerwa, kutungamirirwa, kurairwa nekudzidziswa.

Asi zvino vabereki vazhinji vave nezvimwewo zvavave kukoshesa kudarika vana. Vabereki vazhinji havachataura nevana, havachaziva vana vavo, havachaongorora kana paine shanduko muhunhu hwevana.

Dambudziko ratave naro nderekuti vabereki vazhinji vanotodawo kudzidziswa kuti hubereki chii?

Mazuva ano dzidziso dzawanda, uye zhinji dzedzidziso idzi dziri kubva munzvimbo dzisiridzo. Asi ndipo paunoona vabereki tichitarisira kuti munda watisina kusakura, kuisa manyowa kana kumema utipe goho! Kana zvichinzi kukura kurerwa, zvinoreva kuti kana mukazoona munhu ave kunzi munhu, anenge arerwa, uye kurerwa kunoreva kudzidziswa, kudzorwa nekurovedzerwa. Bhaibheri rinoti, “Rovedzera mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akura haazobva pairi.”

Kurovedza zvinoreva kuramba uchidzidzisa, uchidzokorora nekusimbisa kusvika zvajairirwa.

Zvino vabereki vazhinji vave vekutsvaga dhora zvekuti mhuri zhinji dzapera kuparara.

Unoona baba vachigara kunze kwenyika, vachisiya amai nevana. Amai vanogona kuita pavo, asi pane panoda baba. Tingatumire mari kumusha, asi mari hairaire kana kudzidzisa mwana kuti ave munhu. Mari haitaure mutauro wekuvaka.

Vabereki taurai nevana venyu — kwete nefoni kana kuti nekuti pane zvaitika. Zvizhinji zviri kuitika munyika zvinoda kuti vana vanzwe izwi remubereki kwete revanhu veNGO vauya kuchikoro.

Nyaya dzebonde, kuchecheudzwa, kutevera nezvirwere zvepabonde hadzisi nyaya dzekusiira vadzidzisi kuchikoro chete.

Vabereki mune basa rekutaura nevana, rekupindura mibvunzo yavo, rekuvaudza zvakakosha – kudzidza, kushanda, kutendeka, kutya Mwari, kuteerera nehunhu netsika. Kana mukasavaudza imi, vachaudzwa nevamwe vana vakasvinuka, vachaudzwa nemafoni enyu akafumuka.

Nyaya yekakomana kekuZaka haina kundiitira zvakanaka nekuti ndakaona sekuti iko hakasi kana kumbotirimuka kuti zvandakaita izvi hazviitwe. Ipapa ndipo panobuda kuti zvii zvatinokoshesa sevabereki uye semhuri. Kana tisingakoshese kutya Mwari nekutevedza tsika dzakanaka — kana isu tisiri mienzaniso yakanaka kuvana vedu, vana vedu vanopedzisira vafanana nevana venyoka vanongobuda muzai, vobva vatofamba vachienda kwavanoda kusina baba kana amai vanokarira kana kutsiura.

Mwoyo wekababa kekuZaka ndiwo mhandu. Kakomana aka kave muranda webonde zvekuti kana kakasataurwa nako, ichocho chakabaya chikatyokera chinogona kuita hurwa chikaora.

Hunhu hwekakomana aka huri kuratidza mwoyo wemombe yemashanga. Vana ngavadzidziswe kuti bonde nderevanhu vakuru, uye vakaroorana. Vana ngavadzidziswe kuti vana havaite vana ivo vari vana nekuti havagone kuchengeta vana nekuti ivo pachavo vachiri kudawo kuchengetwa.

Uyewo vana vanoitwa nevana vanogona kuzvarwa vaine hurema, ndokunge amai vasina kupinda panjodzi yekufa nekuti muviri wavo hausati wagadzirira kuzvara. Vana ngavadzidziswe kutya Mwari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey