Kuvhiya chidembo: Murume akadyiswa here uyu?

02 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Kuvhiya chidembo: Murume akadyiswa here uyu?

Kwayedza

Ngatimbotii une hama yako yepedyo iyo yakaroora mudzimai ane chibhanzi uye ari mafirakureva. Iwe woona kuti hama yako iyi iri kumhirizhongwa nemudzimai wayo zvekuita kunge yakadyiswa kana kuti yakapfuhwirwa. Murume anowachiswa hembe dzake, dzemudzimai nedzevana uye mumwe musi wakatomusvikira achigezeswa magumbeze apa mudzimai wake achibaya-baya foni agere mumumvuri. Anotsvairiswa mumba achibikiswa nekusukiswa mapoto iye mudzimai agere kana kuti akazorora mumba.

Kamwana kavo kadiki ndiye murume anoita kekubereka nembereko padumbu kana vachifamba. Kana pari padare repamusha, murume akada kutaura anobva anzi nemudzimai “nyarara” kana kungotariswa neziso. Ose mabasa anonzi ndeechidzimai kana muri kwenyu ari kuitiswa murume hama yako uyu nemudzimai wake imi muchizviona. Apa hama yako inoratidza kuzvifarira. Chinoitwa bedzi na”madam” ava kupa murume wavo mari  – yedoro kana yema’contributions” anotiwa mumhuri. Zvino iwe zvinokurwadza. Unoudza murume uyu here? Kuti kudini? Kuti wakadyiswa? Kana kuti unotongwa nemadhirezi? Ko akazokugumbukira? Ko akakupindura kuti ndizvo zvavakawirirana mumba mavo? Ko zvikazozivikanwa nemudzimai wake munozowirirana? Kune kwazviri kutoitika here izvi? Tiudzeiwo . . .

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>