‘Kasika kunoongororwa’

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

NYANZVI munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemakereke, reZimbabwe National Practitioners Council (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti mishonga inogona kushandiswa mukuranga mbavha iriko iyo inokonzera zvakasiyana kune munhu anenge aba.

Izvi zvinotevera nyaya yemurume wechidiki wekwaChikwaka uyo anonzi akamerera muchochororo unenge wetoki mushure mekuba magarakuni emumwewo munhu weko uyo ava mushakabvu.

“Tine varapi vechivanhu vakawanda avo vanogona kushandisa mishonga yavo mukusota mbavha. Mishonga iyi inogona kuiswa pachivanze zvekuti chero ukaba pfihwa remunhu unopinda panguva yakaoma. Inoshandiswa mukusosa musha kuti ive ruzhowa senzira yekurwisa mbavha kana vavengi.

“Pamwe pacho munhu anomera muchochororo unenge wehuku kana magarikunhi kana achinge adya nyama yechipfuyo chakabiwa pamusha wakagadzirwa. Asi vanhu vacho vanenge vabirwa vanogona kuudzwa nen’anga inenge yakagadzira pamusha kuti vasabvume kuti vabirwa kusvika munhu iyeye aenda nemuripo wekuti ange achipfidza pamhosva yaanenge apara.

“Pasina kuripa, zvinhu izvozvi hazviperi, kunyangwe machiremba akaedza kuzvivhiya zvinomera zvakare pasina nguva,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti pachivanhu inzira kwayo yekuranga vapari vemhosva kunyangwe zvazvo vamwe vachiti ine hutsinye mukati.

“Kana munhu anenge aba akapindana netsekwende iyi akaramba hake mhosva yake, anosvika pakufa akadaro. Ndinoti hakuna munhu anongosanduka kuita mitezo inenge yemhuka. Ndinotopikisana nepfungwa yekuti igomarara. Ndihwo hushereketwa kwen’anga dzinosota mbavha saka kana zviri zvechivanhu zvinoperera kuchivanhu.”

Vanoti pane dzimwe nguva munhu anotogona kunzwikwa achikuma semombe kana akaba mombe kana kukukuridza sehuku.

“Pamwe pacho zvinogona kubata vadyi chaivo kana nyakuba ari munhu akagadzirwa nemishonga kuti zvisamubata. Saka vanhu havafaniri kungotenga zvinhu zvavasingazive kuti zvakabva kupi,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey