Kikiki, 2015 nezviri anointed

01 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

GORE raperaka iri. Rapera ndisati ndadzoserwa chikwereti changu nemunhu akauya achichema kuti hazvina kumumirira zvakanaka. Rapera muzukuru wangu asati aroora sezvaaitarisira nekuti haana mari yacho, uye haasi kuwana basa.

Rapera chokwadi gore ndakamirira minana yandakanzi namufundisi ndichaita yekukava neshangu gore rino. Ndinotya kupera kwegore, nekuti hatisi tese tinoti tadongorera saizvozvi tozopinda muna 2016. Kune vari kudonha vave pedyo nekusvika patambo.

Ipo pakupinda muna 2016 apa, vamwe vachaita zvekudzedzereka vagonoti pu kunge damba radonhera paruware. Vamwe vachapinda vachipururudza nekuti vanenge vabuda muna 2015 – gore rakanga risina tsitsi.

Vazhinji vachada kukurumidza kukanganwa nekufuratira 2015 nekuti ndiro gore rekunetsa kwemavendor mumavhuranda ezvitoro nemumigwagwa muguta reHarare. 2015 ndiroka gore rakadzingwa vanhu vazhinji mabasa zvekuti nyangwe kutaura kuno havasati vapora maronda avo. 2015, gore raMagaya naMakandiwa, ehe kana naEubert Angel. 2015 gore rezvinhu zvakawanda zvaingonzi anointed anointed.

Asika, hupenyu hunodaro. Hazvisi zvese zvinoramba zviri zvazvanga zviri. Aive madziva anozove mazambuko. Zvaive zvimhuru zvinoita zvigondora, nekuti kare haagare ari kare.

Neniwo ndakanga ndiri kuMbare kumusika musi uno ndichikwidza kamuzukuru kangu bhazi. Mbare yave nevanhu vakangoti mwarara kunge marara avanorasira pese-pese ikoko. KuMbare kune chitsoko-tsoko, chipata-pata nechipiti-piti. Vanosaidzirana, vanoshevedzera, vanotakura, vachitenga nekutengesa. KuMbare hakufambe vane chiringa kana vane nhonho.

Asi ini ndakaita chiringa kuMbare, ndikatanga kuyeva mabhazi makuru akanga akamirira kutakura vanhu. Ndakaona mabhazi matsva andisingazive. Kufanana nezvimwe zvinhu zviri kupfuura — handina kuona mabhazi andakakura ndichiziva pamusika. Handina kuona Mazarura, Kambasha, Musanhi, Mverechena, Kukura Kurerwa, Chawasarira nemamwe.

Mabhazi akaita sana Mverechena akafamba nzira uye nzvimbo zhinji muZimbabwe. Akatakura vanhu vakawanda, vapenyu nevakafa. Akafamba kusati kwave nemasvosve emhamhatsi amunoti makombi.

Mabhazi aya aizivikanwa nevanhu munzvimbo dzaaifamba. Madhiraivha awo aishevedzwa nemitupo, uye nguva dzaaidarika dzaizivikanwa. Aive mabhazi aidiwa nevanhu nekuti aitakura vanhu vaidzoka kumusha. Zvino munguva dzino, akwira kombi haadzoke nekuti Harare yakazorwa jemhu neshuga! Mabhazi makuru akabuda mufashoni.

Asika, iwo mabhazi makuru aidiwa nevanhu zvakanyanya. Madhiraivha awo aitorwa sevana vemunzvimbo dzaaifamba. Vakanga vasiri madhiraivha anenge ekombi asina hukama nevabereki nekuti vari kutandanisa dhora. Kana kuri kumusha kwangu kuMt Darwin kunoimbwa jiti, mabhazi andiri kutaura nezvawo aya akanga ane nziyo dzaitogadzirwa nekuimbwa nevanhu vachidada nawo.

Ndichiri kuyeuka chimwe chimbo chaiti:

Mwerechena panda, Mwerechena Dhoka

Chido chemwoyo dzoka, chido chemwoyo dzoka.

Ndikakutengera sandak, unozonditizira riinhiko?

Chakanaka chakanaka, imbwa haihukure sadza. Nyangwe makombi akawanda sezvaaiita nhasi kunge marara, haafe akaumba hukama nevanhu sehwakanga hune mabhazi akafamba nguva yakare.

Ndizvo zvimwe chete nemachechi azara muZimbabwe, machechi emari neminana, emabhachi nebhutsu refu, emota dzinodhura, emaporofita nevafundisi vanomhanya nekuparidza vachiita zvidavado. Ndiwo machechi anoshambadza maropafadzo anouya faster faster kunge kombi.

Panguva ino yeKirisimasi nekutanga gore idzva, zivai kuti Jesu haana kumbobvira asiiwa nenguva kana kumhanya. Kumhanya hakusi kusvika nekuti Bhaibheri rinoti, hadzisi shasha dzekumhanya dzinohwinha mujaho. Chakaberekwa nenyama inyama, asi chakaberekwa nemweya mweya. Kana Jesu akadzoka nhasi uchamuchingura here kana kuti uchamutiza?

Ivai neGoredzva rakanaka!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey