Kuita mari nezita raJesu!

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NGATISUSUKIDZE nyaya yemari yatakatanga svondo rapfuura, tichibvunza kuti mweya wokuita mari yeSouth Africa kunge mazuda mweya rudzii? Mweya unoda kuti nyika ibudirire here kana kuti unoda kudhiritsa zvange zvatosimuka? Svondo rino Mukwende ari kuti kunyange zvange zvagara zviriko, asi zvokuti vanhu nhasi uno vari kuita mari nezita raJesu zvinenge zvasimuka zvakanyanya.

Vanotenda kuna Jesu Kristu wacho, nevasingamude, unonzwa nyaya yendarama nesirivheri iri pamiromo yavo. Mazuvano havachangotaura zvemari chete, asi kuti yatove kunzi mabhegi. Unonzwa vanhu vachinzi vari kuenda kuchechi yakati nokuti kune “bhegi” remari svinu. Wozonzwawo dzimwe chechi dzichitarisirwa pasi nokuti vanenge vachinzi “bhegi” hapana.

Mamiriro azvo ndeokuti mari yabata hana dzamakereke zvakanyanya. Ndokusakawo zvakare munyika vanhu vave kuti vanamati vave kunamata mari, kwete Mwari muridzi wendarama nesirivheri.

Asi, zvinorevei kana mari yave kutambira kuchechi, ichiramba kutambira kuindasitiri kana kumba kwako? Kutenderera kuri kuita mari mudziSvondo zvinoreveiwo mukusimudzira upfumi hwenyika?

Kupfuma kwamamwe makereke navatungamiri vacho zvinorevei kunyika newe munhuwo zvako? Pane chaunowana here kana kuti ndiwe wavamwe vanhu vanonzi vanopedzera mari dzavo vachiendesa kumachechi, mari inenge ichinzi navamwe kupfumisa vafundisi? Iyo mari iri kubva muvanhu ichienda kukereke, kana kubva kukereke ichienda muvanhu ingatsanangurwe sei?

Ngatimbosiyana nezvavanoti “gospelneurship”, vhangeri rinonzi rinongotaura nezvemari tozazanura kuona kuti mari muchechi inorevei nhasi munyika.

Nyika svondo rapfuura yakaona mabasa emari muchechi pakaitwa munamato wepungwe neProphetic Healing and Deliverance Ministries inotungamirirwa naProphet Walter Magaya. Zvose zvakange zviripo kusanganisira zviuru nezviuru zvavanhu zvaive nemutupo unonzi mari chete.

Mari yaibuda kubva muhomwe yekereke kana muvanhu ichiendawo kune vamwe vanhu! Kubva kuzvipfeko, zvokuimbisa, zvokuparidzisa, zvifambiso – zvose zvaitaura mari. Imari yaiendawo mumawoko avamwe vanhu vakange vasinei nemunamato uyu, asi vaitoti zvavo zvaita vawana mukana wokuita mari.

Handi kuPHD Ministries chete kwatinoona kuchibuda mari yakawanda kudai, zvokuti unoti ukanzwa kuti muZimbabwe vanhu vari kutambura, unozviramba. Makereke ose zvimwe chete.

Makwikwi avari kuita ari kubva atoita kuti mari yakawanda ibude nokupinda. Vanotengesa maDVD namaCD emharidzo, kune mvura dzemiteuro, mawrist band, hembe dzokupfeka dzinenge dziine rupawo rwechechi, makey ring, zvokunamirira pamotokari kana mudzimba – zvakawanda.

Zvose izvi zvingaita sezvinopinza mari muchechi chete, asi kune vanozvibika nokugadzira. Mamwe makereke vave kuzviitira zvinhu zvawo zvizhinji, asi vazhinji vari kuitirwa namamwe makambani. Izvi zvoreva kuti panotove nechikamu chakakura chisingaendi kumakereke ose aya, asi chinovaitira mabasa.

Izvi zvorevawo kuti chechi pane rumwe rutivi iri kubatsira mukuita kuti vamwe vanhu vange vari pamabasa. Makwikwi achiramba aripo, zvorevawo kuti huwandu hwavanhu vanenge vachiita mabasa aya hunenge hwakati kurei.

Vemakombi kana mabhazi panenge paine zvakadai, vanowana kwokudyira nokuti basa rokutakura vanhu rinenge rakawanda. Ngatiyeukeiwo kuti motokari, makombi namabhazi zvinoita besanwa zvichitakura vanhu vanoenda kuchechi, zvinopawo zvimwe zvikamu zvemabhizinesi basa. Vanotengesa mafuta okufambisa vanowanawo pavo nokuti motokari hadzifambe nemvura kana mhepo.

Zvimwe chetewo nana makanika, kana mabhizinesi anotengesa ma”spare parts”. Vanodyawo namakereke, kunyange zvavo vachiti vafundisi ndivo vari kudya mari dzavanhu. Kuwanda kwokusangana kwamakereke pasvondo rega rega, kunowanisawo vanhu mabasa, kunyange zvazvo vanhu munyika vasati vapabata kuti chechi ine chikamu chikuru mukuwanisa vanhu mabasa.

Tikatarisa zviridzwa nepanoparidzirwa shoko raMwari tinoona kuti pane zvizhinji, zvinodya mari yakawanda. Vanotengesa machira okushongedza, makapeti, masofa nezvimwewo zvigaro vanokuudzai kuti vanodya zvemachechi.

Mamwe mabasa anenge achipinda munyika achibva mumachechi. Muenzaniso ndewemasangano echipostori vanonamata vakapfeka nguo dzokunamatisa – vazhinji vacho nguo chena. Tikada kuzvifunga pari nhasi vapinza mari yakawanda sei kumabhizinesi anogadzira nokutengesa machira? Zvimwe chetewo nevasoni vacho! Vadya pakadii?

Iye zvino magemenzi echipostori ave kutengeswa pamusika, zvinove zvinhu zvakange zvisiko makare kare. Zvazvinorevawo ndezvokuti hazvinei kuti ingave Roman Catholic, Methodist, positori, Ziyoni kana Pentecostal – vese vane chikamu mukumisa upfumi hwenyika kunyange zvazvo vazhinji vasati vapabata.

Pamusoro paizvozvi, machechi akagara ari munyaya yokusimudzira dzidzo, utano nokubatsira vanotambura, zvichireva kuti, muchimiro choupfumi vane pavo pavari kuita, uyewo vari kubatsirawo Hurumende mune zvizhinji.

Iyoyi mienzaniso inondisvitsa pakuti yasvika nguva yokuona kuti machechi ari kuitawo nepavo pakuvandudza upfumi hwenyika. Asiwo, zvinonetsa ndezvokuti ukada kuzozvitarisisa, unoona kuti zvinhu zvizhinji zvinoshandiswa izvi, zvinhu zvisingagadzirwi muno munyika.

Zvinobva kunze kwenyika. Zvoreva zvakare kuti mari zhinji inoperera mukuunza zvinhu zvokunze kuti machechi azvipe chimiro chakanaka.
Vanombofungawo here kuti sezvo vachiunganirwa navanhu vakawanda svondo rega rega, nyaya yokurarama nezvinobva kunze yopedzwa sei? Machechi anazvo here zvaari kuita kuti vechidiki vatangewo kuve nepfungwa yokuzviitira vachishandisa pfungwa, njere nezvinhu zvomuno muZimbabwe?

Kana pakasava nokufunga kwakavandudzika, machechi achakura, achipfuma, asi mari zhinji ichibuda munyika nokuti vanenge vatadza kupa masimba oupfumi kuvanhu vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey