Kwayedza
Zviri mugapu
HOVE nyoro kana dzikabikwa zvine hunyanzvi munhu unogona kuzviruma rurimi nekunakirwa.
Svondo rino Mai Osly vanogara kuOverspill, kuEpworth, muguta reHarare vanokupai mabikirwo akanaka ehove nyoro.
ZVINODIWA:
Tora chikari kana poto yakachena yaunobikira hove. Para hove kusvika dzapera makwati wodzitumbura. Chigeza hove kusvika dzachena.
Chichekerera tumatomatisi nehanyanisi zvaunozokanda muhove dzako.
MABIKIRO:
Cheka hove kuita zvidimbu zvakafanira.
Isa muchikari kana mupoto wodira mvura yakaringana. Ibva wakanda matomatisi, hanyanisi nemunyu wakaringana nekutsvatika twumafuta twushomanana.
Siya zvichikwata kwemaminitsi gumi nemashanu kusvika zvaibva.
Usapindure-pindure hove padzinokwata nekuti dzinodimbuka.
WOZOITA SEI?
Kana zvaibva, pakura munakirwe nemhuri kana vayenzi. Hove dzinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana rezviyo.
Vamwe vanodzidyawo nemupunga une dovi.