Kukanga hove nyoro

03 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Kukanga hove nyoro

Kwayedza

Zviri mugapu
HOVE nyoro kana dzikabikwa zvine hunyanzvi munhu unogona kuzviruma rurimi nekunakirwa.

Svondo rino Mai Osly vanogara kuOverspill, kuEpworth, muguta reHarare vanokupai mabikirwo akanaka ehove nyoro.

ZVINODIWA:

Tora chikari kana poto yakachena yaunobikira hove. Para hove kusvika dzapera makwati wodzitumbura. Chigeza hove kusvika dzachena.

Chichekerera tumatomatisi nehanyanisi zvaunozokanda muhove dzako.

MABIKIRO:

Cheka hove kuita zvidimbu zvakafanira.

Isa muchikari kana mupoto wodira mvura yakaringana. Ibva wakanda matomatisi, hanyanisi nemunyu wakaringana nekutsvatika twumafuta twushomanana.

Siya zvichikwata kwemaminitsi gumi nemashanu kusvika zvaibva.

Usapindure-pindure hove padzinokwata nekuti dzinodimbuka.

WOZOITA SEI?

Kana zvaibva, pakura munakirwe nemhuri kana vayenzi. Hove dzinodyiwa nesadza jena, remhunga, remapfunde kana rezviyo.

Vamwe vanodzidyawo nemupunga une dovi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey