‘Kundiyanika pachena kudaro mai mwana’

02 Jul, 2015 - 19:07 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MURUME anoshanda paMadziva Teacher’s College akachema-chema mudare achida kuti rimudzikisa $400 yemendenenzi yaidiwa nemudzimai wake yekuchengeta vana vatatu sezvo ari kuti akamomoterwa nezvikwereti. Judy Garabha, uyo anova mukoti, akaendesa murume wake, James Garabha kuHarare Civil Court achida kuti abvise $400 pamwedzi yekuchengeta vana vavo vatatu.

“Ndinoda kuti baba ava vandipe $400 yekuchengeta vana vavo vatatu nekuti kana ndikamuudza haasi kusimudza musoro. Kudai ndisingashandewo, vana vangadai vanzwa nekudzingwa kuchikoro asi baba vavo vachishanda,” akadaro Judy.

“Baba ava handigari navo saka handizivi zvavanoshandisa mari yavo vari kuMadziva kwavanoshanda. Ndikavaudza kuti ndinoda mari vanoti vane zvikwereti zvavakatora.”

James akaudza dare kuti anokwanisa kubvisa $50 nekuda kwezvikwereti zvakamumomotera zvekutoti pamwedzi pamari yake yemuhoro anosara ne$116 chete.

“Changamire, mari iri kudiwa namai ava yakawandisa kwandiri nekuti ndine zvikwereti zvitatu zvinobatwa kubhanga. Mari yacho ndakaitora ndichida kuita rimwe bhizimisi asi zviri kuramba kubuda zvakanaka semarongero andakanga ndaita. Ndinosvika pakutadza kuriritira vana asi ndaifungidzira kuti pamwe mudzimai achanzwisisa sezvo iye achishanda basa rakanaka,” akadaro James.

Akati anochengeta amai vake avo vakaoma mitezo uye kwaanogara kunoda kubhadharwa mari yerendi.
“Dai zvandaida kuita zvakabudirira amai ava dai vari mumufaro asi nekuti hazvina kufamba zvakanaka, vaifanirwa kundinyaradza kwete kundiyanika kwavari kuita uku.

“Chikwereti chekutanga ndakatenga kombi zvaanoziva, kungoti ndakazoitengesa ndaona kuti yaindiburitsira mari yakawanda nekuigadzirisa.
“Ndiyo imwe mari yacho ichiri kubatwa,” akadaro James.

Judy akapindura achiti James aive atora zvikwereti izvi oga asina kumbomuudza saka anofanira kuona zvekuita.
Mutongi Barbra Masinire akati vaviri vazodzoke kudare apo aizopa mutongo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey