Sekuru nevazukuru vorwira nhaka

23 Apr, 2024 - 16:04 0 Views
Sekuru nevazukuru vorwira nhaka Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome Chinhoi

SEKURU vaendesa vazukuru vavo vaviri kudare reHarare Civil Court vachiti vari kuvashungurudza pamwe naamai vavo avo vane makore 90 ekuberekwa nekuda kweimba yenhaka yakasiiwa nemunin’ina wavo.

Blessing Bande naCyril Bande vaendeswa kudare nehanzvadzi yaamai vavo Peter Bande achiti vari kumurova pamwe nekuparadza midziyo yepamba.

Peter anoti anogara kuBinga uye pese paanouya kuHarare vazukuru vake vanomurwisa nekumutuka.

“Handidi kuti amai vangu vafe nguva isati yakwana nenyaya dzekushungurudzwa kunyangwe zvavo vave nemakore makumi mapfumbamwe ekuberekwa,” anodaro.

Achipawo divi rake, Cyrill anoti zvose zvataurwa nasekuru vake ndezvekunyepa.

“Nyaya dzavo dzekundipomera dzakatanga apo munin’ina wavo akashaya ndikafambira magwaro ake ekuvigwa sezvo ivo vanga vari kuBinga uko vanogara,” anodaro.

“Pakunyoresa burial order, ndakanyoresa zita rangu semwana sezvo surname dzakafanana. Amai vedu vakashaya tikarerwa nanasekuru avo vakazotipa surname yavo. Nyaya iripo ndeyekuti vari kuda kuti ndibvise pamagwaro angu ekuzvarwa pakanzi ‘son’ ndoisa pakanzi ‘nephew’ sezvo ndirini mukuru kuti vagokwanisa kufambira imba yemunin’ina wavo kuti ichinjwe zita,” anodaro Cyrill.

Anoenderera mberi achiti: “Ngavarege kunditsvagira nyaya nekuti ndinogara kwangu ndega. Dai ndaivarova vaifanira kumhan’ara kumapurisa ndosungwa. Ngavapihwe zvavo chikumbiro chavo asi zita riri pamagwaro ekuzvarwa handisi kuzoribvisa zvachose.”

Blessing haana kuenda kudare.

Mutongi Johanna Mukwesha vapa Peter gwaro redziviriro ndokuudza Cyrill kuti asasvike pamba pasekuru vake.

Share This:

Sponsored Links