Kunyatsokanga howa

08 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Kunyatsokanga howa

Kwayedza

HOWA hwakabikwa hunofarirwa nevakawanda. Svondo rino imwe nyanzvi pakubika muHarare, zita rebasa ichinzi Mai Mupositori, inodonongodza mabikirwo ehowa zvine hunyanzvi.

Hwowa hunogona kubikwa huri hunyoro kana kuti hwakaomeswa zvichienderana nezvinoda munhu.

Chekutanga, howa ngauhutengwe muchitoro chakanyoreswa zviri pamutemo kwete kungotenga kuvanhu vese-vese nekuti humwe hwacho hunouraya.

MAGADZIRIRO:

Kana huri hunyoro, hugeze kuti hubve tsvina nemarara. Tora hadyana kana poto yakachena woisa hwowa hwako pamwe nemvura yakaringana. Siya hukwate pamwe nemafuta, munyu, matomatisi netwuhanyanisi twushomanana kusvika zvaibva.

Musanyanya kupindura-pundura howa nekuti hunokasika kudimbuka. Kana mvura yave shoma, ravirai kuti muone kana hwaibva mochizoisa Royco yehowa mosiya zvokwata kwemaminitsi gumi. Kuibva kwehowa kunoonekwa nekurukutika kwahunenge hwaita uye hunenge husisina munhuwi.

Howa hwakaomeswa hunogezwa zvakare hwofashaidzwa. Kana mvura yave shoma, dirai mafuta akaringana moisa munyu, matomatisi nehanyanisi mosiya zvichikwata.

Howa hwakaomeswa hunogona kuiswa dovi asi vamwe vanohuda huine mafuta.

CHEKUDYISA:

Howa hunogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo kana kuti hwakangodaro. Vamwe vanofarira kuhudya mushure mekudya sadza vachiitira kuseredzera.

ZVIRI MUHOWA:

Howa hune maVitamin seVitamin D, Vitamin B12, maminerals nemacompound ayo anobatsira mukuvaka muviri uye kusimbisa mabhonzo nekudzivirira zvirwere. Vaye vasingadyi nyama vanobatsirikana zvikuru muutano hwavo nekudya hwowa.

. Tumirai makaringirwo echikafu chamunoda kuti zvibude pachino chirongwa panhare dzinoti: 0773 394 753.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey