Kurima mapfunde neSeed Co

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Kurima mapfunde neSeed Co

Kwayedza

Charles Munyoro—

MAPFUNDE chirimwa chinotivirira mukushomeka kana kushaikwa kwemvura nekupisa kwezuva zvakanyaya. Nekudaro, ichi chirimwa chinokurudzirwa zvikuru kuti chirimwe kunzvimbo dzinonaya mvura shoma nekunopisa.Zvakadaro, mapfunde anonyanya kukurudzirwa kurimwa muNatural Region 3, 4 ne5 yemuZimbabwe.

Mapfunde anoshandiswa kubika sadza nekuitwa chikafu chezvipfuyo zvakaita semombe. Mapfunde haadi kudzokororwa kurimwa mumunda maanenge amborimwa nokuda kwekuti anozobatwa neutachiona hwemuvhu hunonzi manematodes. Chinjanisai minda (rotate) nekurima zvirimwa zvakaita seSoya beans kana kuti nzungu, kwete chibage.

IVHU REKURIMA MAPFUNDE

Mapfunde anogona kurimwa muvhu rakasiyana-siyana asi haakure zvakanaka muvhu dete. Ivhu dete (sandy soils) ndirozve rinowanikwa riine hutachiona hwemanematodes hunosveta muto mumidzi yemapfunde zvotadzisa kukura kwechirimwa zvakanaka.

Ivhu rinorimwa mapfunde rinofanira kunge riine kuvava kana kutapira kuri pakati pe5.0 kusvika pa5.5 pH.

FETEREZA INIDIWA PAKURIMA MAPFUNDE

Mapfunde anoda fetereza shoma pane chibage. Zvakakosha kuongororesa ivhu kunanamazvikokota kuti mupihwe mupimo unoenderana nevhu renyu.

Zvakadaro, munogona kuisa fetereza yeCompound D (7.14.7) ine huwandu hunosvika 250kg pahekita yemunda. Fetereza yepamusoro inogona kuiswa inoita iyo 200kg pahekita.

MARUDZI EMAPFUNDE

Seed Co ine mando mbiri dzemapfunde dzakauchikwa zvemandorokwati. Kune mando yemapfunde machena inonzi SC Sila neyematsvukku inonzi SC Smile.

SC Sila:

Iyi mhando yemapfunde inoibva pakati pemazuva anoita 108 kusvika 130 zvichienderana nekuti yarimirwa kupi. Kana ikarimirwa kunopisa (Natural Region 5), inoibva nemazuva mashoma.

Mapfunde aya mapfupi chaizvo uyezve kana aita musororo, anenge akaenderana pakureba. Mapfunde aya haadonhe kana arimwa (lodging). Anozvidzivirira muzvirwere zvakawanda zvemapfunde. Anokurudzirwa kurimwa kuNatural Region 3, 4 ne5 yeZimbabwe. Anopa goho rinosvika matani masere pahekita kunonaya mvura yakawanda nematani mana pahekita kunonaya mvura shoma.

SC Smile:

Iyi imhando yemapfunde matsvuku. Inotora mazuva ari pakati pe105 kusvika 120 kuti iibve. Anokodzera kubikiswa doro. Ane shanga rakasimba rinoita kuti asadonhe (lodging) kana akura.

Murimi anogona kuwana goho rinosvika kumatani matanhatu pahekita kunzvimbo dzinonaya mvura yakawanda nematani matatu pahekita kunonaya mvura shoma.

NGUVA YEKUDYARA MAPFUNDE

Tinokurudzira kuti mapfunde adyarwe kubva kupera kwaMbudzi kusvikira kupera kwaZvita. Mukakurumidza kudyara, mapfunde enyu anosangana nemvura iwo aibva obva akanganisa mbeu yenyu.

Mbeu inodiwa pahekita inobva pa8 kusvika pa15kg. Tinopesanisa mitsara yedu 60cm kubva pamutsara kusvika pane mumwe. Kubva pagomba kuenda pane rimwe gomba tinofanira kupesanisa ne10cm.

Tinofanirwa kudyara takatarisira huwandu hwemapfunde huri pakati pe200 000 kusvika pa250 000 madzinde pahekita. Varimi munokurudzirwa kuchengeta minda yenyu yakachena, isina sora.

Pakushandisa mishonga yesora, bvunzai vagadziri vemishonga nekuti mapfunde haadi kuiswa mishonga yesora kana ivhu renyu risina kukora kunodarika 25% (clay content).

ZVIPEMBENENE ZVEMAPFUNDE

Mapfunde anosanga zvepembenene zvakawanda pakukura kwawo.

Nhata (Aphids):- Nhata dzinowanzowanikwa kana kukapisa zvakanyanya uye kusinganaye. Dzinowanzowanikwa nguva yemaruva nenguva yekutanga kuita musoro wemapfunde. Dzikawanda, nhata dzinogona kutadzisa kubuda kwemusoro zvakanaka. Shandisai mishonga inokurudzirwa nemakambani anoita zvemishonga mofirita mapfunde enyu.

Makonye (Heliothis Bollworm):- Aya makonye anodya musoro wemapfunde apa mapfunde abva mukufurura. Munoda kuafirita kubvira musi wa1 Kukadzi  zvichienda mberi.

Rukonye (Stalk borer):- Rukonye urwu rwakafanana nerwunoita pachibage. Pane mishonga inoiswa muburi reshizha repamusoro kwapera mavhiki matatu kusvika mavhiki matanhatu mapfunde adyarwa.

Aya makonye anogona kukonzeresa chirwere chinonzi Fusarium stalk rot (kuora kwegunde remapfunde), kudonha kwemapfunde (lodging) uyezve goho rinodzikira zvikuru.

Shiri (birds):- Shiri dzinouya apo mapfunde anenge oibva. Mapfunde matsvuku (SC Smile) haadyiwe neshiri nekuti anovava. Anoda kudzivirirwa mapfunde machena (SC Sila).

Nzira yekudzivirira shiri idzi, kudzidzinga nekudyara mbeu dzenyu varimi makawanda nguva imwe chete. Varimi munokurudzirwa kukohwa mbeu nekukurumidza kana yaoma kuitira kuti shiri dzisaderedze goho.

VATENGI VEMAPFUNDE

Mapfunde anotengwa nemakambani akaita seSavanna, Delta, Togaat Hulett nanaGMB. Hurumunde yedu inokurudzira zvikuru kurimwa kwemapfunde kunzvimbo dzisinganaye mvura kuti tive nefood security munyika.

KUTI SEED CO NDOOKUTI MBEU, KUTI MBEU NDOOKUTI SEED CO.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey