‘Kutamba ini ndakatyoka gumbo . . .’ndakaita mashura: murape

04 Mar, 2016 - 03:03 0 Views
‘Kutamba ini ndakatyoka gumbo . . .’ndakaita  mashura: murape

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wenhabvu akambonetsa ari kuchikwata cheDynamos FC, Murape Murape, anoti chishamiso kwaari kuti akakwanisa kutamba kwemakore anodarika 17 zvichitevera kutyorwa kwaakamboita gumbo rake. Mugore ra1997, apo Murape aive nemakore 16 ekuberekwa, akatanga kunetsa achitambira Dynamos achiri kudzidza pachikoro cheChurchill Boys High, muHarare ndokukwanisa kuhwina mukombe wePremier Soccer League nechikwata chine mukurumbira ichi.

Mumwaka wakatevera, Monya For Hire, zita remadunhurirwa raMurape, aive muchikwata cheDeMbare icho chakasvika kufainari yeCAF Champions League. Iri ndiro gore raakabva atyorwa gumbo rake apo aiita gadziriro dzekuzotamba mumutambo weChampions League nechikwata chekuMalawi zvikazoita kuti atadze kutamba nhabvu kwemwedzi mitatu.

Vatsigiri venhabvu vakabatikana zvikuru sezvo Murape airatidza kuti akange aine ramangwana rakajeka mumutambo uyu.

Kusvikira nanhasi uno, muchinda uyu haagone kunyatsofamba zvakanaka nekuda kwegumbo raakatyorwa iri. Zvisinei, Murape semunhu ainge akazvipira, akashanda nesimba ndokudzoka munhandare zvekusvika pakutamba kwemakore 17 akatevera uye muna 2007 akahwina mubairo weSoccer Star of the Year.

Muhukuro neKwayedza svondo radarika apo akatamba kumutambo weZimbabwean Legends vs Zambian Legends kuZvishavane, Murape anoti: “Ini ndakaona kubata kwaMwari muupenyu hwangu, ndicho chokwadi.

“Handina kumbobvira ndafungira kuti ndichazotamba nhabvu kwemakore anodarika 17 uye kuzohwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2007.”

Kubvira paakasendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu mugore ra2014, shasha iyi yakatanga kushanda kuchikoro cheHeritage uko ari kurairidza nhabvu vechidiki.

Anoti paanenge asiri pabasa anoswera ari kuGazaland, kuHighfield, kubasa kwemudzimai wake uko anenge achibatsira mubhizimusi remhuri yake.

“Basa rangu rekuHeritage ndinoenda kaviri pasvondo, musi weChishanu neMugovera. Kana ndisiri kubasa ndinoswera ndichibatsira mudzimai wangu kubasa kwake, kubhizimusi redu remhuri kwaGazaland,” anodaro.

Mushure mekusiya kutamba nhabvu, Dynamos yaakatambira kwemakore yakamupa basa rekushanda kurairidza vechidiki vemuchikwata ichi asi Murape akaramba.

Anokurudzira dzimwe nyanzvi dzakambonetsa munhabvu kuti dzivhurike mupfungwa dziite mabasa ekusimudzira mutambo uyu.

Anoti vatambi vazhinji vakasiya kutamba nhabvu vanenge vave kuda kurairidza muPSL asi mabasa ekurairidza aya mashoma.

“Dambudziko randinoona hangu ini nderekuti tese takatamba bhora kare kana tasiya zvekutamba tinoda kurairidza muPSL. Asi zviripo ndezvekuti muPSL munongori nezvikwata 16 chete saka basa racho rinopihwa ani?

“Zvakawanda zvekuita zvekusimudzira mutambo uyu uye zvinokwanisa kuunza mari munhabvu. Zvikwata zvizhinji hazvina kurongeka, tinofanirwa kubatsira kugadzirisa pazvinenge zvichirasika uye kune vechidiki kunofanirwa kugadziriswa, ndiko kuri kufira nhabvu yedu,” anodaro.

Murape akakwanisa kuhwina mikombe mitanhatu yePSL neDynamos pamwe nemimwe yakawanda inosanganisira yeMbada Diamonds Cup, Madison Cup neNetOne Charity Shield.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey