Uncategorized

Mabasa akaita tsaona

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

MUNYORI weKwayedza nemabhuku eShona ane mukurumbira, Ignatius Tirivangani Mabasa, akaita tsaona yemumugwagwa ndokukuvara ruwoko kuZaka nemusi weMuvhuro svondo rapera.Pari zvino Mabasa ari kurapwa pane chimwe chipatara chemuHarare uye anoti akapona mutsaona iyi nokuda kwenyasha dzaMwari.

“Ndinotenda Mwari kuti ndakapona mutsaona yandakasangana nayo,” anodaro.Mabasa anoti ari kunzwa zviri nani.
Mubepanhau reKwayedza, Mabasa anonyora zvikamu zvinosanganisira Imbwa Haihukure Sadza.

Mabasa akahwinha mibairo yakawanda yekunyora mabhuku anosanganisira Mapenzi, Tipeiwo Dariro naMuchinokoro.
Mamwe emabhuku ake ndeanoti Ndafa Here?, Imbwa Yemunhu netumwe tunyaya tupfupi twakanyorwa nechiRungu.

Vatereri venhepfenyuro yeStar FM vanoziva Mabasa achiita ngano dzinodakadza.

Mugore ra2012, Mabasa akavhura kambani yake yekudhinda mabhuku, yeBhabhu Books.
Mabasa mumwe wevanyori vekutanga kuburitsa mabhuku ekuverenga padandemutande (e-book).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey