Kwayedza
Munyori weKwayedza
Felistus Murata — uyo anonyanya kuzivikanwa saMai TT — nhasi vabatwa nemhosva yekuba.
Mutongi wedare Munashe Chibanda abata Mai TT nemhosva yekuba uye mutongo wenyaya iyi uchapihwa neChitatu chino.
Mai TT vanonzi vakapihwa chikwereti cheUS$10 000 ndokubatisa motokari yainge isiri yake iyo ainyepa kuti ndeyake.
Tsvakurudzo yakazoburitsa kuti motokari iyi yaive isiri yaMai TT akazobatisa imwe motokari nepasipoti yake iyo yakange isisashande.
Nemotikari yechipiri iyi yakaonekwa zvekare kuti yakange isiri yaMai TT izvo zvakazotuma kuti amhan’arirwe kumapurisa.
Zvakawanda zviri kutevera.