Uncategorized

Makore 31akazvivharira mumba…Haageze, haabude panze…Paagere ndicho chimbuzi

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Makore 31akazvivharira mumba…Haageze, haabude panze…Paagere ndicho chimbuzi VaJohn Chare vachitaura nemwanasikana wavo, Nyarai Chare

Kwayedza

VAJOHN Chare

VAJOHN Chare

Kingstone Mapupu—
HARAHWA yepapurazi reBell-Inn, kuNyabira padyo neHarare, yakagumisira kubuda mumba mainogara makore 31 adarika – muna 1984 – sezvo murume uyu achigara akazvivharira mukamba kadiki-diki, umo maanodyira zvose nekuitira tsvina. Nyaya iyi yatenderedza misoro yevanoiziva izvo zvava kuita kuti vamwe vacho vafunge kuti zvine chivanhu mukati.

Kusvika pedyo nekamba aka unongotambirwa negutukutu rekunhuwa kwetsvina neweti uye vanotaura vanoti sekuru ava vakachinja mbatya kaviri bedzi kubva 1984, rinovazve gore ravanonzi vakagumisira kugeza.

VaJohn Chare vachitaura nemwanasikana wavo, Nyarai Chare

VAJOHN Chare vachitaura nemwanasikana wavo, Nyarai Chare. — Mifananidzo: Memory Mangombe

Sekuru John Chare, avo vanova chizvarwa chekuMalawi, vanonzi vakatanga kugara vakazvivharira mumba umu mugore ra1984, makore mashoma apo mudzimai wavo akanga ashaika.

Murume uyu anogara muimba iyi oga, iyo akapihwa nevakuru vepurazi iri sezvo mwanasikana wake nemukuwasha vachishandapo.
Vatori venhau veKwayedza vakatopinda mumba munogara harahwa iyi vakabata mhuno sezvo vakachingamidzwa negutukutu rekunhuwa.
Vatori venhau vakaperekedzwa kupinda mukamba aka nemwanasikana wacho, Nyarai Chare (56), uyo anova mwana wechina wasekuru ava.

VaJohn Chare vachitaura nemwanasikana wavo, Nyarai Chare

VaJohn Chare vachitaura nemwanasikana wavo, Nyarai Chare

Harahwa iyi inonzi yaishanda mabasa ekubika muHarare nekuGweru uye yakangosvikobvunza vatori venhau kuti vaidei kwairi.
“Munodeiko kwandiri, kuda kundifumura here? Vanondibvunza zita rangu nemakore angu ekuberekwa, vabva kwaMudzviti here?
“Zvekugara muno ndizvo zvandinoda, hakuna anondibvunza. Ndinoda zvangu kudzokera kumusha kwangu. Uyu mukomana (kureva mutori wenhau uno) anondibvunza, mwana mudiki zvikuru pakundibvunza zvaanoda. Munoziva here kwakaenda mukadzi wangu? Akafa ndikamuviga kare” vakadaro vakafendemutsa maziso.

Sekuru Chare vanonzi havasi murwere wepfungwa uye vakazvisarudzira kugara mumba umu. Kana zvichienzaniswa nezvavainge vari pavakatanga kugara umu, vanonzi vasanduka ganda uye kumakumbo vava nezvidzvanga zvidzvanga.

Imwe nyaya inoshamisa ndeyekuti murume uyu anonzi akagumisira kugeza “ikoko kuma1980”, haadi kuchinjwa mbatya tsaru asi kuti anongoda itsva bedzi.

Anonzi akagumisirawo kuchinjwa mbatya mwedzi wakadarika, kubva 1984, uyewo haafarire kugerwa vhudzi — anotoita zvekubatiranwa nevarume vakasimba.

Vamwe vagari venzvimbo iyi vanoti kubva pavakatanga kugara mukomboni yepapurazi iri makore makumi maviri akadarika, havana kumbobvira vakaona murume uyu nekusabuda kwake mumba. Varume vakuru, avo vakaberekwa makore 31 adarika havamuzive zvisinei nekuti vanogara pakomboni imwe chete naSekuru Chare.

VaChare vanonzi munhu anoda tunonaka sezvo vaishanda basa rekubika uye zvinonzi vanoda chingwa chine majarini nejamu, nyama, doro rechiRungu reCastle Larger nefodya yeKingsgate kana Madison.
Kuti vabvume kukurukura neKwayedza sekuru ava vainge vatotanga “varohwa” nepakiti refodya nevatori venhau.

Nyarai akatsanangura upenyu hwababa vake kubva pakufa kwaamai vake achiti:
“Ini ndaiva mudiki pakatanga dambudziko rababa iri. Mukoma wangu Magarate uyo ava kugara kuMt Darwin ndiye akatanga kugara nababa pano. Sisi pavakazoenda kuMt Darwin vakazondisiya pano papurazi ndava nababa.

“Baba vaishanda basa remukicheni kuma1970 kuStar Bricks ndokuzoguma vave kuWilldale. Nyaya yekuramba kubuda panze vakaitanga mugore ra1984 rinova randakaroorwa ini.”

Nyarai anoti vamwe vake vari kumuregerera pakuchengeta baba ava sezvo achimboedza kushambidza mumba mavanogara nekuvatsvagira kudya oga.

“Tsvina neweti vanoitira mubhaketi, ndinozouya ndichinorasa.
‘‘Dhoo (gonhi) ravo vanotsigira nemukati asi chimwe chinonetsa havadi kugeza. Ukauya nemvura vanorasa dhishi racho. Handizive kuti vakambobata mishonga yakaipa here inogona kunge ichivakonzera izvi,” anodaro Nyarai.

Harahwa iyi inonzi ine vanin’ina vayo vapenyu vanosanganisira Peter Chare, Dhandiye Chare nehanzvadzi yavo iri kwaMutare asi vose vanonzi havashanyire murume uyu.

VaChare vanoti vanoda munhu anovatakura kuvadzosera kuMt Hampden, uko kwavaimbogara kare.
“Ndakamboshanda kwaHarvey kare ndiri kuki. Never (mwanakomana wavo) ari kupi auye nemotokari azonditakura?” vakadaro.

Magariro emurume uyu anoratidza kuva nenjodzi zvikuru sezvo mwanasikana wacho achigona kuwandirwa nebasa otadza kunotsvaira mumba mavo zvose nekubvisa tsvina. Mumba munogara musharukwa uyu munogona kubatira moto akatsva semunhu anoputa fodya.

Vamwe vana veharahwa iyi vanoti Magarate Chare anova wekutanga, Christine Chare, Theresa Chare naSteven Chare anova gotwe.
Nyarai anoti anotenda zvikuru murume wake, Johane Chisare (41), nekumubatsira kuchengeta baba vake avo vakatanga kugara mumba umu vachagona kufamba vaine makore 74 asi iye zvino vava mhetamakumbo.

Mukuwasha uyu anoti akazvipira kubatsirana nemudzimai wake kuchengeta tezvara vake sezvo iyewo baba vake vairwara vari kwaMurehwa vakachengetwawo nemukadzi wake.

VaChare vachenuruka nekuumbuka ganda ravo nekuda kwekugara vakazvivharira mumba.
Nyarai anoti baba vake havarware nepfungwa kunyangwe zvazvo asingazive kuti dambudziko iri riri kubvepi.

“Baba vakazotanga kutadza kufamba vatotanga kare kugara vakazvivharira. Nyaya iyi inoda vakuru, zvino havawirirane nevamwe vanin’ina vavo.

“Rubatsiro rwandinoda kuruzhinji kuti ndiwane wiricheya, zvekudya, mbatya (itsva nekuti havadi tsaru), magumbeze, sipo, nezvimwewo, “ anodaro mwanasikana uyu.

Mumwe wemapurisa vepapurazi iri, VaInoocent Hove (43), vanoti kubva pavakatanga kushanda papurazi apa makore 15 akadarika, havasati vamboona murume uyu.

“Ini ndaingonzwa, ndakanga ndisati ndavaona, taitya kupinda mumba umu nekuti vanhu vane chivanhu chakasiyana uye zvinotaurwa zvakawanda. Asi kudai vaitaura dambudziko ravo, murume uyu aigona kubatsirwa nevarungu vedu,” vanodaro VaHove.

VaChare vanonzi vakazvarirwa kuMusanje, kuMalawi, uko kune dzimwe hama dzavo.
Kune vanoda kuvabatsira vanoridza nhare panhamba dzinoti 0734 882 881 kana 0737 202 110.

Varidzi vepurazi iri vanoti Lloyd Belensic nababa vake Michael Belensic vanonzi havazive dambudziko rine harahwa iyi uye havana kuonekwa neKwayedza kuti vapewo divi ravo.Sekuru Chare vanogona kuverenga sezvo vakakumbira bepanhau reHerald raiva nemutori wenhau ndokutanga kurirava. Makore 31 munhu akazvivharira mumba, asingaone zuva, asingageze, asingabvise mbatya. Pakaoma!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey