Uncategorized

Makororo 6 asungwa

15 Jul, 2022 - 17:07 0 Views
Makororo 6 asungwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
CHIKWATA chemakororo matanhatu chinozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Maketo Brothers” – icho change chaita mukurumbira wekubira vanhu chakapakata zvombo – chakasungwa nemapurisa kuKwekwe.
Inspector Emmanuel Mahoko vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti vakasungwa ndiEdmore Shoshore (33), Kelvin Machado (20), Munashe Chipaga (19), Nelson Shunya (31), Admire Jefias (30) naNyasha Nyahuma (30) avo vose vanobva kuMbizo 15  kuKwekwe.
Vanoti vashanu vavo vakasungwa apo vaive vakadekara zvavo mumotokari yeNissan Caravan ine nhamba pureti dzinoti AEQ 8142 inova yaShoshore uyo akazosungwa ari kwake oga.
“Varume ava vane mhosva dzine chitsama dzavari kupomerwa dzinosanganisira yekuba motokari yeHonda Fit nemusi wa15 Chikumi kuMbizo 15, kuba zvakare kuMbizo 4 uko vanonzi vakabira mumwe murume nhare nemari. Pamwe chete, zvinhu zvose zvakabiwa zvinokosha US$4 270,” vanodaro Insp Mahoko.
Motokari yaiva yabiwa iyi inonzi yakazowanikwa nemusi wa17 Chikumi mumusha weSimbi Park kuRedcliffe kwakare kuKwekwe.
“Semapurisa, tiri kuongorora zvakare nyaya yekuti pane mashoko ekuti vamwe vevarume ava vane nyaya dziri kumatare apo vanonzi vakanga vaburitswa kunze nebhero nedzimwewo mhosva. Tinoramba tichitenda zvikuru kubatsirwa uko tiri kuitwa neruzhinji kuti tikwanise kusunga makororo makuru aya,” vanodaro Insp Mahoko.
Kune vanoda kumhan’ara mhosva dzakasiyana vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0778 069 322 kana 054 221073.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey